Accessibility links

Breaking News

Meya weBulawayo Okurudzira Vanotengesa Kuita Hutsanana


Vanotengesa vazhinji vanonzi vave kutengesera pamikova yezvitoro mukati meguta.
Vanotengesa vazhinji vanonzi vave kutengesera pamikova yezvitoro mukati meguta.

Vanoita mabasa ekutengesa muguta reBulawayo vaita musangano wekuonesana nekunzwana pfungwa nameya weguta iri, uye vari kanzura weWard 3, VaMartin Moyo.

Nyaya dzakurukurwa mumusangano uyu dzinosanganisira dzekutorerwa kunoitwa vanotengesa zvinhu ava nemapurisa, mitero, nzvimbo dzekutengesera, mitemo mitsva inonzi iri kuda kudzikwa pamwe nehwaro hungatungamira vanotengesa ava huri kuronga kuumbwa.

Asi vamwe vapinda mumusangano uyu vanonzi vakurudzirawo kanzuru yeguta reBulawayo kuti ikoshese raramo yevanhu, kwete kukoshesa kuchengetedzwa kwezvivakwa pamwe nemigwagwa vachikanganwa vanhu.

Asi VaMoyo vanoti kanzuru yavo yanzwisisa zvose zvataurwa mumusangano uyu, asiwo vati zvakakosha zvikuru kuti vanorarama nekutengesa zvinhu ava vakoshesewo nzvimbo dzavanoshandira kuburikidza nekudzichenesa.

Meya Moyo vanoti guta ravo harisati zvaro rasangana nedambudziko revanotengesera mukati meguta zvisina mvumo, sezvo vanotengesa zvinhu ava vachitengesera munzvimbo dzavakapiwa dziri kumucheto kweguta.

Musangano uyu wapindwawo nevamiriri vemasangano anosanganisira reZimbabwe Chamber of Informal Economy Association, pamwe neBulawayo Agenda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG