Accessibility links

Breaking News

Varapwi Votadza Kubhadhara Zvikwereti Zvavo kuParirenyatwa


Chipatara chikuru munyika cheParirenyatwa chinoti vanhu vari kurapwa pachipatara apa havasi kubhadhara mari dzavanofanirwa kunge vachibhadhara.

Vakuru ava vanoti izvi zvava kusiya chipatara ichi chichitadza kubhadharwa mari dzechikwereti chakura kusvika pamamiriyoni makumi mana emadhora.

Havasi vanhu chete vari kutadza kubhadhara mari idzi. Hurumende pamwe nemamwe makambani anofanirwa kunge achibhadharira vanhu vanenge vachirapwa, ari kutadza kubhadhara mari idzi.

Mukuru wechipatara ichi, VaThomas Zigora, vaudza nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvehutano dzange dzichishanyira chipatara ichi neChipiri kuti chipatara ichi hachina mari nekudaro chinofanira kutoomesera vanenge varapwa kuti vabhadhare kuitira kuti chikwanise kuramba chichirapa varwere vanenge vachiuya pachipatara kuzorapwa pachipatara ichi.

VaZigora vati veruzhinji vane chikwereti chemamamiriyoni makumi maviri nemanomwe emadhora, mapazi anoona nemasoja nemapurisa ane chikwereti chemamiriyoni maviri emadhora, bazi rezvekubatsirwa kwevanhu rine chikwereti chemariyoni maviri emadhora kozitowo mamwe makambani ane zvikwereti zvakasiyana siyana.

VaZigora vati chipatara chavo chinoda mamiriyoni matatu emadhora pamwedzi asi varwere vari kubhadhara mazana mapfumbamwe ezviuru zvemadhora pamwedzi chete. Vatiwo kubva muna Ndira kusvika pari zvino hurumende yapa chipatara ichi mazana matatu ezviuru zvemadhora izvo zvinoita kuti chipatara ichi chitadze kushanda nemazvo.

Vatiwo chipatara ichi hachina mishonga yakakwana zvekutoti vave kutopota vachiudza varwere kuti vandotenga mishonga kuzvitoro zvemishonga zviri kunze kwechipatara.

Vati munhoroondo yese Parirenyatwa haisati yamboshaya mishonga senguva ino vachiti chipatara ichi chine mishonga iri pasi pezvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemishonga yachinoda.

VaZigora vazivisawo nhengo dzeparamende idzi kuti michina mitsva yekurapa chirwere chegomarara yakatengwa nechipatara ichi yave kushanda uye izvi zvicharerutsira vane chirwere ichi avo vaipedza nguva yakareba vakamirira kurapwa sezvo michina mitsaru yaigara yakafa.

Sachigaro vekomiti yezvehutano, Amai Ruth Labode, vati chipatara cheParirenyatwa chine michina yepamusororo uye hurumende inofanira kuti chishande chakazvimirira kuitira kuti chikwanise kushanda nemazvo.

Vakurudzira vakuru vechipatara ichi kuti vashandise michina yavainayo nemazvo kuitira kuti vakwanise kuwana mari yekusimudzira mashandiro echipatara ichi.

Amai Labode vakurudzirawo hurumende kuti izadzikise chisungo chebumbiro remitemo chekuti inofanira kuona kuti munhu wese awana hutano hwakanaka. Vati hurumende inogona kuita izvi nekupa zvipatara mari yakakwana.

Komiti yezvehutano iri kushanyira zvipatara zvikuru mumatunhuu ese nedonzvo regugadziririsa zvinhu munyaya dzezvehutano munyika.
XS
SM
MD
LG