Accessibility links

Breaking News

Sangano reOperation of Hope Robatsira Vana Vakatsemuka Miromo


Sangano reOperation of Hope riri kubatsira vana vakazvarwa vakaremara miromo, avo vari kugadziriswa miromo iyi pachena kuHarare Hospital.

Chirongwa ichi chakatanga neMuvhuro svondo rapera, uye chichapera neChitatu svondo rino.

Mumwe mubatsiri wechirongwa ichi muHarare, Muzvare Martha Pamire, vanoti pari zvino pane vanhu vanosvika makumi mana nevasere vabatsirwa nechirongwa ichi.

Vamwe amai vane mwana wavo avhiyiwa neMuvhuro pachena pasi pechirongwa ichi, Amai Natalie Nyangoni, vanoti vari kufara nerubatsiro rwavawana pachena, uye mwana wavo atotanga kudya zvakanaka.

Amai Nyangoni vanokurudzira vamwe vana amai vane vana vane dambudziko iri kuti vatsvage rubatsiro kubva kusangano iri sezvo rwuchipihwa pachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG