Accessibility links

Breaking News

Mahofisi eMDC Ogara Akakombwa neMapurisa


Mapurisa anonzi akonzeresa kuvharwa kwemahofisi eMDC intongamirwa naVa Morgan Tsvangirai zvichitevera kurwisana kwakakaita mapurisa nevechidiki vebato iri nezuro avo vairatidzira vachiti vanoda kuti murwiri wekodzero dzevanhu, Va Itai Dzamara, vaburitswe muhupambwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri we MDCT, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 parunhare kuti mapurisa akazvindikita mutauriri waVa Morgan Tsvangirai, Va Luke Tamborinyoka, nevamwe vashandi vebato iri nezuro manheru mushure mekuvavharira kwemaawa akati kuti nezuro wakare.

Izvi zvinotevera kurovana kwakaita mapurisa nevechidiki veMDC-T avo vakaratidzira paparamende vachiti vanoda kuti Va Dzamara vabuditswe muhupambwa.

Va Gutu vatiwo vatadza kuvhura mahofisi avo zuva rose sezvo mapurisa anga akapakatira zvombo aswera akakomba muzinda webato ravo pa Harvest House uye vati mapurisa ati haasi kuzobva pa Harvest House kusvika vadzoserwa tsvimbo yavo yekurovesa vanhu pamwe nenguwani yekuzvidzivirira inonzi yakatorwa nevechidiki ve MDC-T pavakarwisana nemapurisa neChitatu.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati havasati vaziva zvaitika ku Harvest House nokudaro havakwanise kutaura nezvenyaya iyi.

Zvichakadai, masangano anoshanda akazvimirira abuditsa mashoko ekuti achaenda kumasangano eSADC ne African Union achikurudzira kuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vabviswe sasachigaro wemasangano maviri aya kana Va Dzamara vasina kuburitswa muhupambwa nekukasika.

Mutungamiri we Zimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, avo vakambopambwa nevasori muna 2008, vanoti vave kutyira hupenyu hwaVa Dzamara.

Zvichakadai, chikumbiro chakasvitswa kudare repamusoro nemagweta ari kumirira Va Dzamara chekuti Va Dzamara vabuditswe muhupambwa chakatarisirwa kunzwikwa mudare repamusoro re High Court neChishanu.

Amai Charamba vati mapurisa haasati aziva kuti Va Dzamara varipi.

XS
SM
MD
LG