Chipiri, Nyamavhuvhu 04, 2015 Local time: 19:51

Nhau / Africa

Zimbabwe Yokurudzirwa Kusimudzira Mitauro Midiki

Map of ZimbabweMap of Zimbabwe
x
Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe
Mark Nthambe
Mitauro yechivanhu, zvikuru mitauro yemarudzi madiki, inofanirwa kuchengetedzwa kuitira kuti mitauro iyi isaparare. Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa neChipiri muHarare. 

Vachitaura pamusangano wakarongwa nebazi rezvekudyidzana neveruzhinji pamuzinda weAmerica muZimbabwe, nyanzvi mururimi rweShona, uye vari mukuru wepepanhau repaindaneti re Chiringiro, Doctor Charlton Tsodzo, vakati mitauro yechivanhu inogona kuparara kana ikasasimudzirwa nenzira yakakwana.

VaTsodzo, avo vanova hama yemunyori ane mukurumbira munyika, VaThompson Tsodzo, vakati zviri kuitika pasi rose zvinoratidza kuti mimwe mitauro inogona kuparara ikasachengetedzwa zvine hudzamu.

VaTsodzo vakati chinosuwisa ndechekuti vanhu vakawanda vave kutarisira pasi mitauro yavo sezvo zvese zvavanoita vave kuzviita nenzira irinyore nemutauro weChirungu.

Vakatiwo izvi zvinoita kuti mutauro uparare zvichibva zvakonzerawo kuparara kwetsika nemagariro evanhu. Vakati kuti izvi zvisaitike, panodiwa matanho anotorwa okukuridzira mitauro pachitevedzerwa nzira yakaita sokuita mabhizimusi nemitauro iyoyi.

Vakatiwo mabasa akaita seiwaya ave kutoitwa nemakambani anosanganisira Microsoft.

Mumwe wevakapinda musangano uyu, Rudombo Tenga, akakuridzirawo vechidiki kuti vasarasike gwara nenyaya yokutevedzera chirungu uye vasanyare kutaura nemitauro yavo.

VaTsodzo vane sangano reMaendeleo iro rinoshanda nemapazi ehurumende mukunyora magwaro ehurumende kubva muChirungu vachiaisa mururimi rweShona.

Zimbabwe iri mukati mekugadzira bumbiro idzva remitemo yenyika, asi pane
kusawirirana mumapato ezvematongerwo enyika pakuti mitauro yechivanhu yemarudzi madiki kuti inge ichishandiswawo semitauro zviri pamutemo.

You May Like

English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one
  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

Facebook