Friday, December 19, 2014 Local time: 16:21

Nhau / Africa

VaTsvangirai Vanoparura Hurongwa Huchaunza Mabasa

x
Irwin ChiferaViolet Gonda
Bato reMDC rinotungamirwa  naVaMorgan Tsvangirai, raparura chirongwa chekusimudzira hupfumi hwenyika  pamwe nekuwanira vanhu mabasa matsva vanodarika miriyoni imwe chete mukati  memakore mashanu anotevera.

Vachiparura chirongwa ichi, chiri mugwari rinonzi, Jobs, Upliftment, Investment, Capital Environment, kana kuti JUICE,  panzvimbo yemabhizimisi yeHighglen, VaTsvangirai vati dambudziko richanesta hurumende kana vave kutonga  inyaya yekuumba mabasa matsva. Asi vati chirongwa ichi ndicho chichapedza dambudziko iri.

Vati nyika ine vanhu vakawanda chose vanoda mabasa uye hurumende yavo ichange ichipa mubairo kune makambani anenge achipinza vanhu mabasa. Vatiwo hurumende ichamutsiridza makambani, maindasitiri pamwe nekuona kuti makambani ekunze auya kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe.

Munyori mukuru mubato reMDC zvakare vari gurukota rezvemari, VaTendai Biti,  vatsinhira mashoko aVaTsvangirai vakati kuti chirongwa cheJUICE chibudirire, vanhu vanofanira kuvhotera VaTsvangirai musarudzo dzinotarisirwa kuitwa gore rinouuya.
VaBiti vatiwo Zimbabwe ichange yave kuita mabhizimisi nenyika dzepasi rese pamwe nedze mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Asi VaTsvangirai vati mushandira pamwe nenyika dzemudunhu reSouthern African Development Community  kunonetsa kana nyika dzakaita seSouth Africa dzichiramba kuti Zimbabwe itengese zvinhu zvayo kunyika iyi.

VaTsvangirai vashorawo mutemo weZanu PF wekupa masimba munyaya dzehupfumi kuvatema, vachiti uri kubatsira vashoma chete pamwe nekudzinga vanoda kuunza mari nehupfumi munyika.

Pane kupokana kukuru muhurumende nekuda kwemutemo wekuendesa hupfumi kuvatema sezvo veruzhinji vari kusiyiwa muchirongwa ichi, vashoma muZanu PF vachidya vachiguta.

Zanu PF iri kuramba yakaoma musoro nekumanikidza makambani ekunze kuti ape zvikamu makumi mashanu nechimwe kuvatema vemuZimbabwe, izvo zvinonzi zviri kutyisidzira vekunze vanoda kutanga mabhizinesi.

VaTsvangirai vati bato ravo richange rave kukwanisa kuita zvirongwa zvaro rega kutanga gore rinouya apo rinotarisira kukunda musarudzo.

Chipangamazano chegurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaPsychology Maziwisa, vanoti gwaro raparurwa ne MDC-T iri ndere kutsvaga rutsigiro musarudzo dzegore rinouya sezvo bato iri rakatadza kuwanisa vanhu mabasa mumakore mana aranga riri muhurumende.


You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

VaTsvangirai Vanoti Zanu-PF Yave Zuru Rakapinda Nyoka

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement For Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nyaya yakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yekudzinga vamwe vanhu mubato ravo kusanganisira vaimbova mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, yazungunutsa bato iri zvekuti rave zuru rakapinda nyoka. VaMugabe vakadzingawo makurukota masere nemutevedzeri wegurukota mumwe chete. Onai zvimwe

Muimbi Asingaoni, VaMadubeko Vanopiwa Rubatsiro

Muimbi asingaoni ane mukurumbira muguta reGweru, VaJohn Madubeko, vanoti vafara zvikuru zvekubata denga mushure mekutambidzwa zvekuridzisa mimhanzi kubva kune mumwe mudzimai anove muzvinabhizimusi wemuguta reHarare asina kuda kudomwa nezita Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Facebook