Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopererwa neRopa Rakakosha


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mudura reropa sezvo ropa rakakosha remhando ye"O" rasarirwa nesvondo imwe kuti ripire.

Izvi zvaburitswa neangano re National Blood Services Zimbabwe, iro riri kukurudzira veruzhinji vane ropa remhando ye“O” kuti vaende kunopa ropa iri sezvo nyika yasarirwa neropa risingaikwanire.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, Muzvare Esther Masunda, vanoti nyika inoda ropa rinosvika zviuru makumi matanhatu nezvishanu zvemayunitsi gore rino.

Vanoti vanhu havafanirwe kutya kupa ropa sezvo richizokwanisa kuvabatsirawo rimwe remazuva kana kubatsira hama dzavo nevamwewo.

"Pari zvino tiri kutarisira kuti tichawana ropa kubva kuvana vachangodzoka kuzvikoro sezvo vari ivo vanowanza kutipa ropa. Asi tiri kukurudzira veruzhinji kuti vauye kuzotipa ropa sezvo rave shoma," Muzvare Masunda vaudza Studio7.

Muzvare Masunda vanoti ropa zhinji rakashandiswa pazororo yekisimusi ne gore idzva sezvo zvaita kuti rishomeke mudura ravo.

"Zvakakosha kuti vanhu vazive mhandu yeropa ravo uye kuti vasatye kuuya kuzopa ropa sezvo tinopa dzidziso tisati tatora ropa inozopa munhu mukana wekuti azive kuti anoda kupa ropa here kana kuti kwete." Muzvare Masunda vaudza Studio7.

Vazhinji vanonzi vanotya kupa ropa sezvo vachitya kuzobatwa zvimwe zvirerwe zvakadayi se HIV/AIDs nezvimwewo zvinowongororwa kana munhu atorwa ropa.

Asi Muzvare Masunda vanoti vanhu vanofanirwa kuziva pavamire kuitira hutano hwavo hwemangwana.

Hurukuro NaMuzvare Esther Masunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG