Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Voramwa Mabasa Kutanga neMuvhuro


David Parirenyatwa
David Parirenyatwa

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti kutanga neMuvhuro vana chiremba muzvipatara zvose zvehurumende vachatanga kuramwa mabasa sezvo nhaurirano nehurumende panyaya yemari yemihoro nemashandiro avo dzakundikana zvachose.

Vana chiremba ava vanoti vari kuda kuti mari yawo yemuhoro kana kuti basic salary iwedzerwe kubva pamazana maviri nemakumi manomwe ane madhora maviri kusvika pachuru nemazana maviri emadhora pamwedzi.

Vana chiremba ava vanotiwo hurumende haisi kuvapa zvekuvadzivirira kubva kuzvirwere zvakaita se Ebola nerurindi.

Mukutanga kwemwedzi waGumiguru, vana chiremba vakambokanda mapadza pasi nenyaya imwe cheteyo vakazopa hurumende masvondo maviri ekuti vagadzirise zvichemo zvavo asi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Fortune Nyamande, vanoti vachadzoka kubasa chete kana hurumende yanyorerana navo pasi chibvumirano.

Hurukuro naDr David Parirenyatwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko ekuti vana chiremba havana zvekuzvidzivirira kubva kuEbola arambwa negurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, avo vati nyika yakagadzirira.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachipindura kune zviri kutaurwa navana chiremba izvi, VaParirenyatwa vati vange vakasungikana kutaura zvakawanda asi vati nhaurirano dziri kuenderera mberi.

XS
SM
MD
LG