Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanodzokera kuMabasa


VaDavid Parirenyatwa havasi kudaira nharembozha yavo.
VaDavid Parirenyatwa havasi kudaira nharembozha yavo.

Vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende vakatanga kuramwa mabasa neChina, vakabvuma neSvondo kudzokera kubasa kuitira kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe nehurumende mukati memasvondo maviri.

Kuratidzira uku kwanga kwapa kuti munyika mupinde chando sezvo pasi rose nyika dzakagadzirira zvemhando yepamusoro kurwisa kupararira chirwere cheEbola.

Chirwere ichi chauraya vanhu vanodarika zviuru zvitatu kunyika dzekumawirira kweAfrica.

Vana chiremba ava, avo vanosanganisira ma Junior Doctors uye ma Senior Medical Officers, vanoti vari kuda kuwedzerwa mari dzavanotambira, kudzorerwa mari dzavo dzemba dzainge dzabviswa nehurumende, uye vanoti vari kuda mvura yemupombi yakachena mudzimba dzavo sezvo vave nemwedzi mitanhatu vasina mvura.

Asi vamwe vakuru muZimbabwe Health Services Board vasina kuda kudomwa nemazita vaudza Studio 7 kuti zvichanetsa kupa vana chiremba mari nezvavanoda nekuti hurumende haina kana kobiri pari zvino.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatozivisa kare kuti hurumende iri kutatarika kubhadhara vashandi vayo nekuti hupfumi hauna kumira zvakanaka.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, kanawo mukuru weParirenyatwa Hospital, VaThomas Zigora, avo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Mukuru weHospital Doctors’ Association of Zimbabwe, VaArthur Mhizha, vanziwo vange vari mumusangano izvo zvapa kuti titadze kunzwa pamire sangano ravo.

Asi nhengo yekomiti yeHospital Doctors Association, Dr Nyasha Mtetwa, vanoti vane chivimbo chekuti vachawirirana nehurumende zvichemo zvogadziriswa.

Hurukuro naVaNyasha Mtetwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG