Accessibility links

Breaking News

VaRuhanya Vanoti ZEC Ngaive neVanhu Vatsva


ZEC
ZEC
Rimwe remasangano anorwira hutongi hwejechetere, reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, rinoti vashandi vese pamwe nemakomishina ekomisheni inoona nezvesarudzo vane chekuita nesarudzo dzemuna 2008, vanofanirwa kusiya basa poiswa vanhu vane maoko akachena kuitira kuti veruzhinji vagutsikane nebasa ravachaita musarudzo dzakachena gore rinouya.

Izvi zviri mugwaro raburitswa nesangano iri mushure meongorora yarakaita pavashandi nemakomishina ari mu Zimbabwe Electroral Commission, ZEC, kudyidzana kwavo nemauto, mapurisa, vasori pamwe nebato reZanu PF.

Vachitaura neStudio7 mushure mekuburitsa gwaro ravo rakanzi Zimbabwe Electoral Commission: Can It Deliver a Credible Poll, mukuru weZDI, VaPedzisai Ruhanya, vati ongororo yavo inoratidza kuti vashandi veZEC vazhinji ndevemuchiuto, vakamboshanda nevasori uye vanotsigira bato reZanu PF.

Vatiwo makomishina ese ane chekuitawo nesarudzo dzemuna 2008 vanofanirawo kusiya basa vachitiwo vasori nevemauto havafanirwe kuita basa rekuvhotesa vanhu.
VaRuhanya vati ongororo yavo inoratidza kuti mukuru weZEC pari zvino,

VaLovemore Sekeramai, nemutedzeri wavo, VaUtoile Silaigwana, vakamboshanda nemauto kana mune mamwe mapazi ehurumende ane chekuita nevasori uye izvi zvinoita kuti vashaye chivimbo navo.

Vati nekuda kwehukama hwakasimba pakati paZEC nemauto, pamwe nemashoko ezvematongerwo enyika ari kutaura nevamwe vakuru vemauto vakaita saVaDouglas Nyikayaramba, zvakakoshawo kuti sangano reSouthern African Development Community rione kuti ZEC yagadziriswa uye mauto asiyane nezvesarudzo.

VaRuhanya vanoti hazvigoni kuti nyika iite sarudzo dzakajeka kana ZEC iripo ikaregwa ichiita sarudzo sezvairi.

ZEC yakamutsa mutauro pasarudzo dzemuna 2008 apo yakapedza masvondo matanhatu isina kuburitsa zvainge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Yakazoshorwa neveruzhinji zvakare apo yakati sarudzo dze run-off dzainge dzaitwa zvakanaka kunyange hazvo mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vakabuda musarudzo idzi nekuda kwemhirizhonga. Mutungamiri weZanu PF, VaRobrt Mugabe, vakamira vega musarudzo idzi.

Masangano epasi rose, kusanganisira SADC ne African Union, akashora ZEC akaramba kutambira zvakabuda musarudzo iyi. VaRuhanya vanoti izvi zvinogona kuitika zvekare kana mashandiro eZEC akasavandudzwa.

Vati ongororo yavo yakanangana nekurudzira hurumende yemubatanidzwa neSADC kuti vagadzirise nyaya yeZEC nguva isati yapera.

Zimbabwe inotarisirwa kuita referendamu nesarudzo gore rinouya.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG