Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vovhura neChishanu Musangano weBato Ravo


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Bato reZanu-PF raita neChina musangano waro wekupedzisira weCentral Committee muHarare wekuronga zvichakurukurwa nebato iri pamusangano waro wepagore uri kuitirwa muGweru.

Musangano uyu, uyo wakatanga nechipiri, uchavhurwa zviri pamutemo neChishanu nemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, uye uchapera nemusi wesvondo. Central Committee yange ichiyedza kuumba zviga zvichakurukurwa pamusangano uyu. Bato iri rinoti zvichakurukurwa zvose zvatenderanwa.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rekuendesa hupfumi kuvatema uye kuwanisa vanhu mabasa.

Asi zviri kubuda muCentral Committee nemuPolitiburo zvinoratidza kuti vakuru vebato vane kugunun’una panyaya yekurwisana kuri kuitika kuMasvingo.

Asi bato iri rinoti riri kufara nesarudzo dzakaitwa muBulawayo, nemuMatebelaland North dzekutsvaga masachigaro ebato, mumatunhu aya.

Munyori anoona nezvemisangano yebato iri, Va Webster Shamu, ndivo vachanogadzirisa gakava riri kuMasvingo kana vapedza musangano wavo wepagore.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo richazeya mamiriro akaita zvinhu mubato pamwe nekubuda nezvisungo pazvinhu zvavachaita gore rinouya.

Misangano yepagore iyi inoitwa kuti bato iri rikwanise kupota richiona kuti rasvika papi mukuzadzikisa zviga zvemusangano zvinenge zvatarwa pamusangano wekongiresi unoitwa kamwe chete mumakore mashanu.

Nyaya yekuti VaMugabe vanenge vave makore makumi masere nemapfumbamwe sarudzo dzikaitwa gore rinouya, ndiyo yange yopa vamwewo pfungwa yekuti bato raizotaura nezvemunhu achavatsiva.

Asi musangano wepagore uyu hausi wekusarudza vatungamiri, asi kuti ndewe kutarisa mafambiro ari kuita zvinhu mubato.

VaGumbo vanoti matunhu ose akamira naVaMugabe nevatevedzeri vavo Amai Joyce Mujuru naVaJohn Nkomo, avo vanonziwo havasi kunzwa zvakanaka. VaGumbo vanoti bato riri kumira neizvi nekuti ndizvo zvakatarwa nekongiresi yebato.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusoro paWestminster University, uye vari mumwe wevakuru musangano idzva reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti musangano weZanu-PF uyu kupedza nguva kuteya nzou neriva.

Asi sachigaro ve Resources Exploitation Watch, VaTafadzwa Musarara, vati pfungwa yekuti Zanu-PF inoda kuendesa hupfumi kuvatema yakakosha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG