Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanoti Mitemo yeHupfumi Haisi yeKuvenga Varungu


VaSavior Kasukuwere
VaSavior Kasukuwere
Gurukota rezvevechidiki nekuendesa hupfumi kuvatema rinoti mitemo yekupa hupfumi kuvatema haisi yekuvenga vachena vari munyika asi kuti ndeyekuti vatema nevachena vave nemikana yakaenzana munyaya dzehupfumi.

Vachivhura musangano wevechidiki vari mumabhizimusi nevanoda kuita mabhizimusi kuMasvingo neChina, VaSavior Kasukuwere vati mitemo yekupa vatema hupfumi iripo pakugadzirisa musiyano uripo pakati pevarungu nevatema.

Pasi pemitemo yekupa hupfumi kuvatema makambani ose ekunze anofanira kupa zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema vemunyika.

VaKasukuwere vati ivo pachavo havavengi vachena nokuda kweganda ravo asi kuti zvavasingafariri kutorwa kwakaitwa hupfumi hwenyika nevachena.

Vatiwo vasati vabuda muhurumende, vachatsvaka mushandi wechirungu anovabikira kana anoshanda mugadheni ravo.

VaKasukuwere vabvuma ivo kuti chirongwa chavo chekupa hupfumi kuvatema chine zvakakanganiswa zvakawanda, asi izvi hazvivadzoseri shure pakuona kuti vatema vatora hupfumi hwavo.

VaKasukuwere vashoropodzawo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachiti vari kuisa zvirango kune vechidiki munyika nokusavapa mari dzezvirongwa zvakasiyana siyana.

Vakurudzirawoo vechidiki vakwawana zvikwereti kubva kubazi ravo kuti vadzosere zvikwereti izvi.

Vachitaurawo pagungano rimwe chetero, gavhuna weMasvingo, Va Titus Maluleke, vati chirongwa chekupa hupfumi kuvatema chicharamba chakatarisana nematambudziko nekuda kwevamwe vanhu vanokurudzira vechidiki kuti vasiyane nacho.

Musangano wemazuva matatu uyu wapindwa nevanhu vashoma, uye wange wakarongwa ne sangano re Youth Initiators Association of Zimbabwe.

Nyaya Ina Obert Pepukai
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG