Friday, July 25, 2014 Local time: 13:40

Nhau / Matongerwo eNyika

Bumbiro Roenda kuAll Stake Holders Conference Paine Kunetsana

VaZuma naVaMugabeVaZuma naVaMugabe
x
VaZuma naVaMugabe
VaZuma naVaMugabe
Irwin ChiferaBlessing Zulu
— Gwaro rekutanga rebumbiro remitemo kana kuti  COPAC Draft Constitution, rave kutarisirwa kuti richiende ku All Stake Holders Conference yechipiri kunyange hazvo pachine kunetsana kwakanyanya pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Dare repamusoro soro reZanu-PF rakasangana neChitatu rikatanderana kuti bumbiro richienda kuAll Stake Holders Conference kunyange hazvo bato iri riri kuti rinoda kuti gwaro rezvakabva muvanhu, kana kuti National Report, riendeswe pamwe negwaro rebumbiro iri.
 
Asi mapato eMDC anoti uku kuda kutyora chibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Mashoko eZanu-PF aya anoouya mushure mekunge  vatungamiri veSADC vabuda pachena zvekare svondo rino kuti vave kuneta nenyaya yebumbiro isiri kupera.

Munyori weSADC, VaTomaz Salomao, vaudza Studio 7 kuti vakatoudza VaZuma kuti vape SADC Troika gwaro rezviri kuitika vobva vaita musangano kuTanzania kutanga kwaGumiguru. 

Mutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete, ndivo sachigaro weSADC Troika. SADC inoti inoda kuti referendamu iitwe muna Gumiguru sarudzo dzozoitwa pakati pegore rinouya. Mapato maviri eMDC akatozivisa kuti anoda kuti SADC ipindire asi Zanu-PF iri kutsika madziro.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti MDC inofanirwa kutambira kuti gwaro reNational Report, rinofanirwa kuzeyiwa pamusangano mukuru uchaitwa pasati paendwa kureferendamu.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rinoda kutevedza zvinenge zvakawiriranwa.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
Hurukuro naVaRugare Gumboi
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
Hurukuro naVaDouglas Mwonzorai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Chirongwa

Facebook