Accessibility links

Breaking News

Mapato neVeruzhinji Vozeya Zviri Mugwaro reBumbiro Idzva


Rimwe remasangano anoshanda akazvimirira re Crisis in Zimbabwe Coalition rakaparura neChitatu manheru chirongwa chekutsanangurira veruzhinji zviri mugwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika kubudikidza nekuita musangano neveruzhinji vachizeya nyaya iyi nevemapato ezvematongerwo enyika.

Vachitaura pamusangano uyu, uyo wakaitirwa pane imwe hotera muHarare, vamiriri vemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa vakakurudzira veruzhinji kuti vatsigire gwaro rebumbiro iri kunyange hazvo vakapa zvikonzero zvakasiyana.

Mutauriri weMDC huru uye vari mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende yakatungamira kunyorwa kwegwaro rebumbiro iri, yeCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vakati veruzhinji vanofanira kutsigira bumbiro iri nepamusana pekuti mutungamiri wenyika achange ava nenguva yakatarwa kuti akange ari pachigaro nezvimwe zvakadaro.

Nyaya yekuzvitonga kwematunhu, devolution, yakatsigirwawo nevanowona nezvekurongwa kwemisangano muMDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, Va Qubani Moyo, avo vakatiwo Zimbabwe haifanirwe kurasikirwa nemukana wekutambira bumbiro idzva iri sezvakaitika muna 2000.

Vakataura vakamirira Zanu PF, VaPsychology Mazivisa, vakatiwo bumbiro iri rinofanirwa kuvhoterwa nekuti rinodzosa masimba mazhinji kumutungamiri wenyika.

Asi mutungamiri we MDC99, VaJob Sikhala, vari kukurudzira kuti veruzhinji varambe gwaro iri pareferendamu yakatarisirwa kuitwa musi wa 16 Kurume. VaSikhala vakaudza musangano uyu kuti havasi kufara nekuti hurumende ichange yakura zvikuru kana gwaro rebumbiro iri rikatambirwa pareferendamu.

Izvi zvakatsigirwawo nemutungamiri wesangano re International Socialist Organization muZimbabwe, VaMunyaradzi Gwisai, avo vakatiwo bumbiro idzva iri rinopa masimba kuvakuru vezvematongerwo enyika. Vakatiwo bumbiro idzva iri rinochengetedza zvido zvevakuru zvekuti vawane mabasa nekupinda muparamende pamwe nekutora zvimwe zvigaro zvepamusoro veruzhinji vachiyaura nenhamo.

Vakataura vakamirira sangano rinorwira bumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu re National Constitutional Assembly, Va Clever Bere, vakatiwo nzira yakashandiswa mukunyora gwaro iri handiyo uye vanoti sangano ravo harisi kufara nezviri mugwaro iri pamwe nenguva yakapihwa veruzhinji kuti varizeye.

Mutungamiri weMavambo Kusile Dawn, VaSimba Makoni, vanoti bato ravo harisati ratora danho rekuti rotsigira here gwaro rebumbiro iri kana kuti kwete vachiti izvi zvichaitwa mumazuva mashoma ari kutevera.

VaMakoni, avo vakatsigirwa musarudzo yemutungamiri neMDC yaitungamirwa naVaArthur Mutambara isati yapatsanuka, vakaudzawo musangano uyu kuti kuipa kana kunaka kwebumbiro remitemo yenyika, vanenge vari pazvigaro vanofanira kuritevedzera zvizere.

Sangano reCrisis Coalition in Zimbabwe, iro rakaronga musangano uyu, uyo wakapindwa nevanhu vanosvika mazana maviri, rinoti richafamba munzvimbo dzakawanda munyika richipa vanhu mikana yekuti vawonesane nezviri mugwaro rebumbiro iri.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG