Accessibility links

Breaking News

Kunyorwa kweBumbiro Koramba Kuchinetsa


Hapana kuwirirana kuripo muhurumende yemubatanidzwa pamusoro pebasa rekunyora bumbiro idzva renyika.

Izvi zvakabuda zvakare mumusangano wekomiti yevanhu vanomwe ine makurukota pamwe neparamende yakaumbwa kuti ipedzise nyaya yekunyora bumbiro remutemo iyo yasangana zvakare muHarare neChina.

Vane ruzivo nezviri kuitika ava vanoti misariridzwa iri kunetsa yave kuiswa mugwaro richaendesa kuvatungamiri vemapato aya pamwe nekuSADC svondo rinouya.

Zvinonzi pane zvinhu zvitanhatu zvasaririra izvo zvava kupa kuti zvinhu zvirambe kupera. Izvi zvose zviri kudiwa neZanu-PF.

Bato iri rinoti harisi kuda kuti mamwe masimba aendeswe kumatunhu, rinoda kuti vechidiki vose vamainkidzwe nemutemo kuenda kuNational Youth Service, rinoti harisi kuda makomisheni maviri kuti ange ari mubumbiro renyaya dzekuregererana uye komisheni inoongorora nyaya yeminda.

Bato iri riri kurambawo nyaya yekuvandudza masimba ematare uye emuchuchuchusi mukuru wehurumende.

Gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti vachasangana zvakare neMuvhuro kuti vayedze kupedzisa misariridzwa.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaJeremiah Bamu, vanoti Zanu-PF iri kuda kuti zvebumbiro idzva zvisabudirire yoita sarudzo nebumbiro rakare.
XS
SM
MD
LG