Accessibility links

Breaking News

Chobvondoka muChitungwiza Mapurisa Achirwisana neVatyairi veMakombi!


Chitungwiza
Chitungwiza

Yanga iri bata murefu bata mupfupi muChitungwiza neChipiri apo vatyairi vemakombi vange vachirwisana nemapurisa.

Kurwisana uku kwasvika pakaipa zvekuti mapurisa ambodududza sezvo vemakombi vanga vachidya marasha.

Mvongamupopoto iyi yatanga mushure mekunge vemakombi varamwa kuita basa vachiti mari dzemafaindi pamwe nedzekutenga ma disc dzakwidzwa zvakanyanya.

Kuramwa basa uku kwatanga na 6 mangwanani vatyairi navana hwindi vakaswera vachinetsana nemapurisa.

Huruyadzo Shopping Complex yeku St Marys yavharwa nepamusana pemhurizhonga iyi.

Vaona zvichiitika vanoti mhirizhonga iyi yazopararira kumashopu epa Chigovanyika, ndokupedzisira yatekeshera neChitungwiza yose.

Mapurisa ashandisa zvombo zvehutsi hunokachidza apo vemakombi vanga vorwisawo mapurisa aya.

Kanzura we Ward 12 muZengeza, Va Rangarirai Mutingwende, vanoti ichokwadi kuti zuva ranhasi raswera riri zhowe zhowe muChitungwiza uye vamwe vanhu vakuvara mukurwisana uku.

Hapana huwandu hwevanhu vakuvara hwaburitswa, kana huwandu hwevanhu vasungwa nemapurisa.

Asi vamwe vevakuvara vanonzi vanga vachitya kuenda kuchipatara sezvo kuri kudiwa tsamba yemapurisa inoratidza kuti munhu akuvadzwa neyi.

Studio7 haina kukwanisa kuwana divi remapurisa panyaya iyi sezvo nhare dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Tatadzazve kunzwa kuvatyairi vemakombi sezvo vazhinji vavo vari kunzi vange vakahwanda.

"Zviri kuitika izvi zviri kushungurudza vagari vemuChitungwiza sezvo vanhu vazhinji vatadza kuenda kuHarare kunoita mabasa avo izvi zvichavakanganisa mukutsvaga mari dzekubhadharira vana vavo panovhurwa zvikoro svondo rinouya," Va Mutingwende vaudza Studio7.

Mumwe mugari wemuChitungwiza, Va George Javha, vanoti vatadza kuenda kuHarare nepamusana pemhirizhonga yaitika iyi.

VaJavha vanoti vange vachida kunotengesa zvinhu zvavo kuitira kuti vawane mari dzekuendesa vana kuchikoro svondo rinouya.

Hurukuro NaVa Rangarirai Mutingwende
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro NaVa George Javha
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG