Accessibility links

Breaking News

Pretty Xaba Otarisirwa Kuenda Kunorapwa kuIndia neMugovera


Muzvare Pretty Xaba
Muzvare Pretty Xaba

Mumwe anoita zvemitambo, Muzvare Pretty Xaba, uyo ane gomarara repahuro, anonzi achasimuka achienda kuIndia neMugovera uko achanorapwa.

Izvi zvinotevera kuwanikwa kwemari yekuti akwanise kuenda kunorapwa. Kusvika pari zvino Pretty awana mari inodarika makumi maviri ezviuru zvemadhora.

Vari kuronga nezverwendo urwu uye nezvekutsvaga rubatsiro rwemutambi uyu, Va Tawonga Mafundikwa, vanoti vakawana mari inosvika zviuru gumi nezvisere zvemadhora kubva kumuporofita ane mukurumbira munyika, Va Walter Magaya. Vanotiwo dzimwe mari dziri kubva muvanhu nemakambani akanzwa tsitsi pavakanzwa nezvedambudziko raPretty.

VaMafundikwa vanoti vanhu vachiri kuenderera mberi vachitsvaga mari sezvo pane zvizhinji zvinozoda kuitwa zvichitevera kurapwa kwake kuIndia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG