Accessibility links

Breaking News

EU Yoisa $9.1m Munyaya dzeZvipfuyo


奶牛
奶牛
Hurumende yeZimbabwe ichishanda nemubatanidzwa wenyika dzekumawirira weEuropean Union, EU, yaparura chirongwa chekuyedza kumutsiridza zvekare danga rezvipfuyo zvenyika kana kuti Livestock Restocking.

Chirongwa ichi chiri kuparurwa kuNkayi neLupane kuMatabeleland.

Nzvimbo idzi dzagara dziri idzo dzinopfuyiwa mombe sezvo kusina mvura yakawanda inonaya ikoko.

EU iri kupa hurumende mari inosvika mamiriyoni mapfumbamwe nezana rezviuru zvemadhora iyo ichashandiswa mukuwanza huwandu hwemombe.

Mhuri dzinosvika zviuru makumi mana ndidzo dzichabatsirwa pasi pechirongwa ichi.

Zimbabwe yaimbotengesa nyama yemombe kuEU kare asi mazuva ano nekuda kwekushomeka kwenyama uye zvirwere zvakaita sefoot and mouth hakuchina zviri kubuda.

Zvinhu munyaya dzekuchengeta mombe zvakatanga kuipa pakatanga kuitwa chirongwa chekugoverwa kwevhu.

Kusanaya kwemvura nezvimwe zvipangaidzo zvanga zvichiitika munyaya dzekurima kwemakore gumi nematatu apfuura kwasiyawo zvinhu zvaita manyama amire nerongo.

Kambani yeCold Storage Company yaimbotengesa nyama matani mazana kuEU nyika ichiwana mari inosvika mamiriyoni makumi mana nemashanu emadhora. Asi iko zvino kambani iyi iri kutatarika.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima vachiona nezvenyaya dzezvipfuyo, VaPaddy Zhanda, vanoti hurumende iri kushanda zvakasimba mukuona kuti varimi vabudirira dzenyaya yekurima uye zvipfuyo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti nyaya yekusafamba zvakanaka munyaya dzekurima iri kupa kuti hupfumi husabude mumadhaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG