Accessibility links

Breaking News

Vakarwira Rusununguko Vokurudzirwa Kurapwa Pfungwa


Amai Irene Zindi
Amai Irene Zindi

Apo nyika iri kugadzirira kupemberera kusvitsa makore makumi matatau neshanu nyika yawana kuzvitonga neMugovera, imwe nyanzvi yezvirwere zvepfungwa inoti pane vamwe vanhu vakawanda vakarwira rusununguko vasina kuwana rubatsiro rwekuvhenekwa pfungwa dzavo kuti vaonekwe kana vaine zvirwere zvinosaririra mupfungwa mushure mehondo kana tsaona.

Nyanzvi yezvirwere zvepfungwa mubazi rezvehutano, Dr Sekayi Nyiwatiwa, vanoti dambudziko rezvirwere zvepfungwa zvinokonzerwa nezvakasangana nemunhu muhondo kana kuti mutsaona, Post Traumatic Stress Disaorder, PTSD, zviri kuwanda munyika.

Dr Nyiwatiwa, avo vanoshanda kuchipatara che Parirenyatwa kubazi rezvepfungwa, vanoti zvirwere izvi zvinowanikwa muvanhu vakasiyana siyana kusanganisira vamwe vaive varwiri vehondo yerusununguko.

Dr Nyiwatiwa vanoti asi vazhinji vevanhu ava havazivi kuti vanofanirwa kurapwa kuitira kuti dambudziko rekusagadzikana kwepfungwa ripere.

Dr Nyiwatiwa vanoti ruzhinji rwevanhu vakarwa muhondo yeChimurenga pavakadzoka, havana kuwana rubatsiro rwunofanirwa kupihwa kuvanhu vanenge vasangana nezvinotyisa, kana zvinosiya pfungwa dzavo dzisina kugadzikana.

Kunyange hazvo makore makumi matatu nemashanu apfuura, Dr Nyiwatiwa vanoti vose vanonetsekana nepfungwa vanofanirwa kuenda kunoona vana mazvikokota, kana kuenda kuzvipatara zviri pedyo navo vobatsirwa.

Dr Nyiwatiwa vanoti munhu ane PTSD anoonekwa nekuvhunduka apo anorangarira zvakaitika kare, kushaya hope, kubuda dikita kana akarara, pamwe nekutaura ega nezvimwewo.

Sangano reUnited Nations Commission for Refugees rinoti chirwere ichi chinobata mamiriyoni nemariyoni evanhu vanobva muhondo pasi rose.

Vaimbove murwiri werusununguko, uye vari nhengo yeparamende, Amai Irene Zindi, vanoti ivo neruzhinji rwevamwe vaimbove varwiri vehondo yerusununguko pavakadzoka kubva kuhondo havana kuenda kunotariswa kuti vakange vane chirwere ichi here.

Amai Zindi, avo vaizivikanwa muhondo nezita rekuti "Jilly Flamingo," vanoti vane zvizhinji zvavakaona muhondo zvinovashaisa hope pari zvino. Vanoti vanga vasingazive kuti ichi chinogana kunge chiri chirwere.

Amai Zindi vanoti zvanga zvisiri nyore kuva muhondo uye vamwe vavo vazhinji vari kutambura pari zvino zvekuti havasi kufunga zvekuenda kunotsvaga rubatsiro rwekurapwa zvirerwe zvepfungwa.

Hurumende yakaita chirongwa chekupodza maronda kuburikidza nekubhadhara munhu kukuvara kwaakaita muhondo, pasi pechirongwa che War Victims Compensation Fund.

Asi chirongwa ichi chakapedzwa mari nevanhu vasingakodzero sezvo vazhinji vakanyepa kukuvara kwavo mushure mekuongororwa namuchakabvu Dr Chenjerai Hunzvi, avo vakabvuma pamberi pekomisheni yakaferefeta huori hwakaitwa muchirongwa ichi, kuti pazuva vaigona kuongoorora vanhu vanodarika mazana maviri.

Chirongwa ichi chakabastira vamwe varwiri verusununguko asi mari zvinji inonzi yakadyiwa nevakuru vakuru munyaya dzematongerwo enyika, avo vanosanganisira mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, pamwe nehanzvadzi yemudzimai wemutungamiri wenyika, muchakabvu Reward Marufu.

Nyanzvi munyaya dzepfungwa dzinoti hukasha hunoburitswa nema War Vets dzimwe nguva, muratidzo mukuru wekuti vamwe vavo vanoda kurapwa nana chiremba kuitira kuti vagare zvakanaka nevamwe muhupenyu.

Vaimbove varwiri verusununguko vazhinji vanoti havasi kuona chavakarwira muhondo sezvo vamwe vavo vari kunonga svosve nemuromo, uye vamwe vaine zvirwere zvepfungwa zvinovashungurudza zuva nezuva hurumende pasina chairi kuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG