Accessibility links

Breaking News

SADC Inopeta Musangano Ichisimbaradza Hupfumi hweDunhu Iri


 Ian Khama
Ian Khama

Musangano wevatungamiri venyika dzemu Southern African Development Community, SADC, wakapera neChipiri muBotswana paine kurudziro yekuti pasimbaradzwe kuvandudzwa kwezvinhu munyaya dzehupfumi kuitira kuti maindasitiri emudunhu iri ashande nemazvo.

Iri ndiro range riri dingindira remusangano weSADC uyu.

Mutungamiri we Botswana, VaIan Khama, ndivo vave sachigaro weSADC vachitora chigaro kubva kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Asi chigaro chekuva sachigaro webazi rezvematongerwo enyika, kana kuti Organ on Politics and Defense, hachina kupihwa Lesotho sezvange zvakatarisirwa. Chigaro ichi chapihwa Mozambique.

MuLesotho hamuna kugadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika.

Munyori mukuru muSADC, Doctor Stergomena Lawrence Tax, vati vatungamiri venyika dzemuSADC vakasunga kuti vagadzirise nyaya dzezvehupfumi uye kuti vatsvage mari yekugadzira maindasitiri pamwe nezvivakwa.

Vati SADC iri kushanda zvakasimba kugadzirisa matambudziko akatarisana neLesotho neMadagascar.

Asi panyaya yeZimbabwe, Doctor Tax vati zvinhu zvakagadzikana uye havasi kutyira kuti zvinhu zvingangoita manyama amire nerongo zvikuru panyaya yezvehupfumi.

Vanokokera mabasa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaJoy Mabenge, vanoti zvinonetsa kuti SADC ifambire pamwe munyaya dzezvehupfumi nekuti nyika dzakaita seZimbabwe dziri kutatarika.

XS
SM
MD
LG