Accessibility links

Breaking News

Matemo Osimudzirwa Vose Vaitsigira VaJoe Sepp Blatter


FIFA TIMELINE - Blatter wins re-election, 2015
FIFA TIMELINE - Blatter wins re-election, 2015

Hupenyu hweshamwari dzevari kusiya basa semutungamiri we FIFA, Va Joseph Sepp Blatter, hwarembera netambo muZimbabwe mushure mekuregedza basa kweshamwari yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru weZifa, VaCuthbert Dube, ndivo mumwe wacho, vateveri venhabvu vachiti VaDube havafanire kumirira kudzingwa basa asi kuti vanofanira kungoregedza vega sezvakaita shamwari yavo VaBlatter.

VaDuve vanga vari pedyo zvikuru naVaBlatter zvekuti vakabuda pachena panguva yesarudzo yemutungamiri weFifa kuti vanga vachiisa vhoti yavo pana VaBlatter.

Muteveri mukuru wechikwata cheDynamos, VaAdam Makombo, vanoti kuenda kwaVaBlatter ndiyo nguva yanga yakamirwawo muZimbabwe kudzinga VaDube.

Sangano reZifa Council, iro rinosarudza Zifa board, kusanganisawo nemutungamiri wenhabvu muZimbabwe, richasangana mukupera kwesvondo rinouya kuti vaone kuti nyaya yaVaDube inofambiswa sei.

Sangano iri rakambobvisa VaDube pachigaro masvondo matatu apfuura, asi veFifa vakaramba izvi vachiti zvaive zvisiri pamutemo.

VaAndrew Rwodzi, avo vanoti vanotevera chikwata chemaWarriors, vanoti munhu wese anga ane hukama naVaBlatter anofanira kungosiiswa basa.

VaMakombe vanoti VaDube vanga vachidzinga makambani anoda kuisa mari vachiti ivo kuenda kwavo kunokwanisa kuunza sanduko huru munhabvu munyika.

Alois Bunjira uyo akambotambira chikwata chemaWarriors, anotiwo veZifa Council vanofanira kuita chisungo chine mutsindo pavanosangana vachizeya nyaya yaVaDube.

Zvakamira zvakadai, makundano eCastle Lager Premier Soccer League apinda munharaunda yegumi nenhatu Chicken Inn ichitungamira.

Chicken Inn iri kusangana neChapungu iyo iri pachinhanho chechina.

Chapungu iri kubvira moto mazuva ano zvekut veruzhinji vari kuwanikwa vakananga kuGweru kuti vaone mutambo uyu mu Ascot.

MuNyamhunga Stadium, Dynamos iri kusangana ne ZPC Kariba.

Vatsigiri veZPC Kariba vari kuti kutonga kweDynamos kwakwana sezvo iri kunyadzisa muAfrica vachiti ivo gore rino nderavo kunyange hazvo vasiri kutanga zvakanaka pari zvino

Asi vatsigiri veDynamos vanoti aya maroto chete. VaErasmus Mkandawire vanoti Dynamos inotora zvekare mukombe gore rino.

VaMkandawire vanowedzera kuti murairidzi wavo vaDavid Mandigora vanofanira kushandura zvinhu nguva ichiripo kuti izvi zviitike.

Mimwe mitambo iriko mukupera wesvondop yakamkira seizvi:

Highlanders v How Mine

Triangle v Tsholotsho Pirates

Caps United v Flame Lilly

Buffaloes v Hwahwa

Hwange v FC Platinum

Dongo v Harare City.

Mumutambo wekiriketi, vanotungamira mutambo uyu varonga mitserendende yemitambo mitanhatu yakateverana nedzimwe nyika kunyange hazvo vaine zvikwereti zvinosvika mamiriyoni gumi nemashanu emadhora.

Mutambo wega wega uri kutora mari inosvika iyo mamirioni maviri emadhora asi scahigaro wesangano iri, VaWilson Manase, vanoti mitambo inofanirwa kutamba vachikunda zvimwe zvikwata zvichauya muZimbabwe.

VaManase vanoti kekutanga pamakore gumi apfuura, Zimbabwe ichawana zvikwata zviviri chevechidiki nechevanhukadzi zvichashanyawo muZimbabwe gore rino risati rapera.

XS
SM
MD
LG