Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Kudhonzerana Masimba Kwapera Mubato Ravo


Prime Minister Morgan Tsvangirai addressing people in Chegutu, Mashonaland West Province on Saturday
Prime Minister Morgan Tsvangirai addressing people in Chegutu, Mashonaland West Province on Saturday
Mutungamiri we MDC-T, Va Morgan Tsvangirai, vazivisa neChipiri kuti mave nekuwirirana mubato ravo panyaya yehutungamiriri hwebato yanga ichinetsa kwemwedzi miviri yadarika vachiti chavatarisana nacho pari zvino sebato kutambudzika kuri kuita veruzhinji munyika kubudikidza nematongerwo ari kuitwa nyika neZanu PF.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House neChipiri, Va Tsvangirai vati gakava ranga riri mubato pamusoro penyaya yekuchinja hutungamiri hwebato iri rapera zvichitevera kutaurirana kwakaita hutungamiri hwe MDC-T pamusangano wavati wakaitwa mukati memaawa anokwana mashanu.

Pane chimwe chikwata chinosanganisira VaElton Mangoma, avo vakambomiswa semutevedzeri wemubati wehomwe mubato iri, changa chichida kuti VaTsvangirai vabve pachigaro chavo nechimbichimbi chichiti izvi ndizvo chete zvinoita kuti MDC-T rive bato rinopinda musarudzo dzinotevera rakasimba.

Sezvo musangano wavo wanga wapindwa napongwe, VaTsvangirai vati vakawirirana nevamwe vavo kuti dambudziko guru rakatarisana nenyika haisi nyaya yehutungamiri hwebato ravo asi kuti kutambudzika kuri kuita vana ve Zimbabwe kubudikidza nekubirirwa kwavanoti kwakaitwa sarudzo dzegore rapera nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nebato ravo reZanu PF.

Va Tsvangirai vatiwo hapana munhu anokwanisa kudzinga munhu basa mumusangano mavo raakasarudzirwa nekongiresi kuti aite vachiti chingangokwaniswa chete kumisa munhu uyu pamberi pekomiti inotonga vanhu vanenge vatadza mumusangano wavo.

Mashoko aVa Tsvangirai aya anotevera kudzingwa kwakaitwa komiti yepurovhinzi ye Harare mubato ravo inotungamirwa naVa Paul Madzore yanga yatsiviwa nekomiti yanga yava kutungamirwa naVa Eric Murai vanove nhengo yeparamende inomirira Highfields.

Zvichitevera musangano wakaitwa nemunyori mukuru webato ravo, Va Tendai Biti, mushure mekumbomiswa basa kwakaitwa Va Mangoma nekomiti yepamusoro-soro yebato iri ye National Council vachipomerwa mhosva yekuzvidza bato pamwe nekushandisa mari yebato zvisiri izvo vachikurudzira kuti MDC-T itsemuke nepakati, Va Tsvangirai vati havatarisiri kuti Va Biti vaite zvakadai zvakare zvichitevera kuwirirana kwavakaita mumusangano we National Executive wavakaita.

Va Biti, pamwe naVa Elias Mudzuri, avo vakanyorawo gwaro rekuti musangano we MDC-T uvandudzwe pamberi pesarudzo, vanga varipowo pamusangano waitwa naVa Tsvangirai nevatori venhau paHarvest House.

Vamwe vakambobuda pachena vachida kuti hutungamiri hwebato iri huchinjwe vanosanganisira mubati wehomwe mubato iri, Va Roy Bennett, nhengo ye National Executive yebato iri, Va Ian Kay, pamwe nemunyori mukuru muboka revechidiki mubato iri, Va Promise Mkwananzi.

Va Tsvangirai vati kuwirirana kwavepo muhutungamiri hwebato ravo kunofanira kusvika kuvatsigira vebato ravo vese uye vakurudzira vatsigiri ve MDC-T kuti vashande pamwe chete uye kuti vasiyane nenyaya yemhorizhonga.

Zvichakadai, Va Tsvangirai vakurudzirira zvakare kuti munyika muitwe dzimwe nhaurirano itsva dzakanangana nekugadzirisa dambudziko rakatarisana nezvizvarwa zve Zimbabwe vachiti nhaurirano idzi hadzina kunangana nekuwumba hurumende yemubatanidzwa.

Varambawo zvakare mashoko akaburitswa nebepanhau re Newsday ekuti Zanu PF yakanga ichivanyengetedza kuti vaite mutevedzeri wemutungamiri wenyika muhurumende yemubatanidzwa itsva.

Va Tsvangirai vatiwo kune vamwe vatungamiri vemuSADC vavasina kudoma nemazita vavati vave kubvuma kuti sarudzo dzemu Zimbabwe hadzina kufamba zvakanaka.

Zvisinei, Va Tsvangirai vati nyaya hombe haisi yekuti ve SADC ne African Union vari kubvuma kuti sarudzo dzakabairirwa here kana kuti kwete, asi kuti veruzhinji munyika vari kuzviona sei uye kuti zvogadziriswa sei.

Vati kuwanda kuri kuita vanhu mumisangano yavari kuita munyika yose kuri kuratidza kuti Zanu PF haina kuhwinha musarudzo dzegore rapera zviri pachena.

Kunyange hazvo MDC-T ichiti sarudzo dzegore rapera dzakabirirwa, Zanu PF inoti yakahwinha sarudzo idzi zviri pachena.

Va Tsvangirai vati kuti matambudziko akatarisana neruzhinji rweZimbabwe zvikurusei kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika, anogadziriswa chete nesarudzo itsva dziri pachena.

Vati vanotarisira kuti Va Mugabe semunhu mukuru vachazvininipisa kuti paitwe nhaurirano dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Zvichakadai, Va Tsvangirai vari kukurudzira mapoka ese anopikisana ne Zanu PF kuti ashande pamwe chete kuti agokwanisa kubvisa Zanu PF muhutongi pasarudzo dzinotevera kunyange hazvo mamwe mapato akaita se National Constitutional Assembly achiti haasi kuzopinda munhaurirano dzemushandirapamwe uri kutaurwa na Va Tsvangirai uyu.
XS
SM
MD
LG