Accessibility links

Breaking News

South Africa Yoronga Kuchinja Mitemo yeHupoteri


Hurumende yemuSouth Africa inoti inoda kuchinja mitemo yehupoteri, izvo zvichapa kuti vanenge vachida hupoteri vaende nemagwaro anoratidza kuti vane mari here mumabhanga enyika iyi uyezve kuti vakadzidza zvakaita sei.

Izvi zvabuda mugwaro remibvunzo raburitsa nebazi rinoona nezvemukati menyika nechinangwa chekunzwa pfungwa dzevanhu nezvenyaya iyi.

Pane zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kutsvaga hupoteri muSouth Africa nezvikonzero zvematongero enyika.

Kuchinjwa kwemitemo yehupoteri uku hakunei nehurongwa hwe Zimbabwe Special Dispensation Permits.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Migrants Association, Va Daniel Muzenda, vanoti mitemo ikachinjwa zvichakanganisa zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG