Chitatu, Kubvumbi 01, 2015 Local time: 23:16

Nhau / Africa

Masangano eVashandi veHurumende Osangana neChipiri

x
Jonga Kandemiiri
Masangano anomirira vashandi vehurumende ari nhengo dzesangano reApex Council, anonzi ari kutarisirwa kusangana muHarare neChipiri kuti azeye matambudziko akatarisana nesangano reApex Council pari zvino, izvo zvinonzi nevamwe ndizvo zvopa kuti nhaurirano dzemihoro dzitadze kusimuka.

Sachigaro weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti masangano ose ari nhengo ari manomwe avazivisa kuti achange ari pamusangano weChipiri uyu.

VaDzatsunga vanoti chikuru chichakurukurrwa pamusangano uyu imhinduro yakabva kuhurumende patsamba yakanyorwa nemutungamiri weZimta, uye vakambowe sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, yekuti vapiwe mvumo yekusimudza nhaurirano vakamirira vashandi.

Hurumende inonzi yakatenda kuti yakatambira tsamba yaAmai Chikowore iyi asi yakati inoda nguva yekuti magweta ayo aongorore nezvechikumbiro ichi.

Asi nyaya iyi inonzi yatsemura Apex Council nepakati sezvo mamwe masangano akaita seProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, ari kuramba danho rekuti Amai Chikowore vatungamire nhauriraro sezvo temu yavo yekutungamira yakapera.

Danho raAmai Chikowore iri rakauya zvichitevera kufa kwenhaurirano dzemihoro pakati pevashandi nehurumende, iyo yakati inozotaura chete nevashandi kana vachinge vatanga vagadzirisa matambudziko ehutungamiri ari musangano ravo.

VaDzatsunga vanoti imwe nyaya ichataurwa pamusangano uyu ndeyekukundikana kwehurumende kuwedzera vashandi mihoro mwedzi uno sezvakanga zvavimbiswa negurukota rezvemari, VaTendai Biti.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
Hurukuro navaDavid Dzatsungai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

France Inoti Dzamara Ngaadzoserwe kuMhuri Yake

VaDelahousse vakomekedza hurumende yeZimbabwe kuita zvese zvainogona kutsvaga nekusunungura VaDzamara. Onai zvimwe

VaChidyausiku Vanorasa Nyaya yaVaMutasa naVaMliswa

Dare repamusoro-soro re Constitutional Court rarasa chikumbiro chevaimbova gurukota rinowona nezvinotika muhofisi yemutungamiri wenyika, Va Didymas Mutasa, pamwe nevaimbova mumiriri weHurungwe West muparamende, Va Themba Mliswa, chekuti mutongo wakaturwa nemutauriri wedare reparamende wekuvadzinga muparamende usendekwe parutivi. Onai zvimwe

Amnesty Yoshushikana neMitongo yeRufu Pasi Rose

Sangano reAmnesty International rinoti huwandu hwevanhu vari kutongerwa rufu pasi rose hwakakwira mugore rapera Zimbabwe ichitongera rufu vanhu gumi. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Hurumende Yokurudzirwa Kuumba Hwaro hweKubata Mari Dzinobva Kune Vari Kunze

Nhengo yeZanu PF, VaNick Mangwana, vanoti hurumende inofanirwa kuumba hwaro hunoita kuti ikwanise kubata mari dzinobva kuzvizvarwa zvenyika zviri kunze kwenyika Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

Facebook