Accessibility links

Breaking News

Komiti Inotungamirwa naVaNyarota Yoita Musangano neVagari kwaMutare


VaGeoff Nyarota ndivo vari kutungamira komiti yenyanzvi mune zvenhau yeIMPI
VaGeoff Nyarota ndivo vari kutungamira komiti yenyanzvi mune zvenhau yeIMPI
Komiti yakapihwa masimba ekuongorora maburutsirwo ari kuitwa mashoko nenhau munyika, yeInformation and Media Panel of Inquiry, IMPI, yapinda muzuva repiri ichiita misangano kwaMutare nevanhuwo zvavo, pamwe nekuita hurukuro nevemasangano enhau munyika.

Chinangwa chekomiti iyi ndechekuda kunzwisisa matambudziko pamwe nemashandiro ari kuitwa mabasa ekufambisa mashoko nekuburitswa kwenhau munyika.

Sachigaro wekomiti iyi, uye vari mupepeti akamboita mukurumbira munyika, VaGeoff Nyarota, vanoti kunyange hazvo misangano yavakaita neMuvhuro kuMarondera neRusape pakaparurwa chirongwa ichi yakapindwa nevanhu vashoma, pane musangano wavaita kwaMutare uyo vanoti wapindwa nevanhu vakawanda.

VaNyarota, avo vakaburitsa huori hwakaitwa nemakurukota ehurumende mukutengwa nekutengeswa kwemotokari dzeku Willowvale Industries, uhwo hwunozivikanwa nerekuti Willowgate, apo vaiva mupepeti we The Chronicle, varamba kudonongodza zviri kutaurwa nevanhu vachiti havadi kukasika kuzvipakura vasati vaburitsa gwaro ravo.

VaNyarota, avo vakavambawo bepanhau reThe Daily News iro rakazovharwa nechisimba muna Gunyana 2003 apo VaJonathan Moyo vaiva gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vanoti vanhu vari kutaura zvavanofunga pamusoro pemapepa nhau pamwe nedzinhepfenyuro vakasununguka.

Musangano wekwaRusape unonzi wakazosiirwa panzira mushure mekukanganiswa nemunyori anoona nezvemabasa muZanu PF mudunhu reManicaland, VaNathaniel Mhiripiri, avo vanonzi vakati vakanga vasina kuziviswa nezvemusangano uyu.

VaMhiripiri vanonzi vakapomerawo VaNyarota mhosva yekuda kushandisa komiti iyi mukuzadzisa zvido zveMDC sezvo vakakwikwidza gore rapera musarudzo dzapera dzokutsvaga achamirira bato iri mudunhu iri.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMhiripiri kuti tinzwe divi ravo.

Komiti yaVaNyarota, avo vakadomwa kuva sachigaro naVaMoyo, iri kutarisirwa kunge iri kuChimanimani nemusi weChitatu, yozoenda kuMasvingo nemusi weChina.

VaNyarota vanoti zvekuti vakakwikwidza kubato reMDC hazvishande sezvo vakavadoma kuti vatungamire komiti iyi vaiziva zvizere pavamire.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG