Wednesday, September 17, 2014 Local time: 21:33

Nhau / Africa

Mutungamiri weZUJ Ombomira Basa

A vendor sells the privately-owned Daily News newspaper in Harare, March 18, 2011A vendor sells the privately-owned Daily News newspaper in Harare, March 18, 2011
x
A vendor sells the privately-owned Daily News newspaper in Harare, March 18, 2011
A vendor sells the privately-owned Daily News newspaper in Harare, March 18, 2011
Jonga Kandemiiri
Mutungamiri werimwe remasangano evatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ, Dumisani Sibanda, anonzi ambokumbira kuti amire kuita basa rekutungamira ZUJ zvichitevera nyaya yaari kupomerwa.

Sibanda, uyo anoshanda saBureau Chief weNewsDay kuBulawayo,  ari kupomerwa mhosva yekubata zvisiri pamwero mumwe mudzimai anoshanda semutori wenhau.

Munyori mukuru weZUJ, VaFoster Dongozi, vati vatambira tsambamhozha yabva kuna Sibanda achikumbira kumbomira kutungamira sangano iri apo nyaya yake inenge ichizeiwa zviri pamutemo.

VaDongozi vati sesangano varwadzikana zvikuru nedanho iri asi havana zvavangaita sezvo nyaya iyi ichinangana neupenyu hwaSibanda pachake.

Asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika muZUJ vanoti dzimwe nhengo dzesangano iri ndidzo dzamanikidza Sibanda kumbosiya basa kudzamara achenurwa. Zvinonzi kwesvondo rose hutungamiri hweZUJ hwanga huchida kuti Sibanda ambomira basa sezvo zita remusangano raizosvibiswa kana akaramba ari panhongonya uku nyaya yake ichipinzwa mumatare edzimhosva.

Zvinonziwo dzimwe nhengo dzeZUJ dzanga dzichiti Sibanda arambe ari pabasa kudzamara awanikwa nemhosva kunyange hazvo nhengo dzanga dzichitsigira izvi dzange dziri shoma.

Sibanda akasarudzwa muna 2010 kuva mutungamiri weZUJ, achitora basa ranga richiitwa naVaMathew Takaona, avo vave nhengo yeZimbabwe Media Commission.

You May Like

Mauto eZimbabwe neNamibia Okwenenzvera Hunyanzvi Hwavo

Mauto emuchadenga eZimbabwe neNamibia neChitatu ange achidzidzira nekukwenenzvera kuita mushandira pamwe mukurwisa nemuchadenga kuNyanga. Onai zvimwe

MDC Renewal Team Inodoma Amai Holland seMutungamiri

MDC Renewal Team yakadoma Amai Sekai Holland kuti vamboitungamira kwemwedzi mitanhatu kusvika muna Kurume wegore rinouya apo MDC Renewal Team ichaita kongiresi yayo. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Zimbabwe Yotungamira SADC Kudzivirira Ebola

Nyika dzemuAfrica nemasangano anopa rubatsiro anoti nyika dzakabudirira dzinofanira kuwedzera rubatsiro kunyika dzekumawirira kwe Africa dzawirwa nedambudziko nechirwere che Ebola. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Facebook