Thursday, October 23, 2014 Local time: 03:44

Nhau / Africa

Zanu PF Yotarisirwa Kuzeya Gwaro reBumbiro Idzva

x
Jonga Kandemiiri
Zanu PF iri kutarisirwa kusangana nemusi weChina muHarare kuti inzwe pasvika hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva kubva kune vanga vachimirira bato iri muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro uhwu.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe nemumwe wemasachigaro eCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana, ndivo vari kumirira Zanu PF mukunyorwa kwebumbiro idzva.

Mutauriri webato reZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti havatarisiri kuti musangano wePolitburo uyu ungapikise zviri mugwaro rebumbiro idzva iri, sezvo mutungamiri webato ravo, uye vari sachigaro wePolitburo yacho, VaRobert Mugabe, vakatotambira kare zvirimo.

Mwedzi mishoma yapera Politburo iyi yakambotambira gwaro rebumbiro iri parakabva kuSecond All Stakeholders Conference, asi yakazenge yoramba zvimwe zvezvinhu zvaivemo ichiti hazvina kubva muvanhu pakanzwiwa pfungwa dzavo.

Svondo rapera vatungamiri vemapato ari muhurumende vakawirirana pane zvanga zvasara zvichinetsa, izvo zvakazoita kuti hurongwa hwebumbiro husvike pahwave nhasi.

Masachigaro eCOPAC ave kutarisirwa kusvitsa gwaro rebumbiro iri kuselect committee neMuvhuro, iyo ichazorisvitsa kuparamende.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
Hurukuro naVaRugare Gumboi
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

ZDI: Veruzhinji Havazive Zviri muZimAsst

Zvakabuda mutsvakurudzo ichangobva kuitwa nesangano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, pamusoro pechirongwa chehupfumi chehurumende che ZimAsset, mudunhu reMashonaland West, zvinoratidza kuti veruzhinji munzvimbo iyi havana chavanoziva nezvechirongwa ichi. Onai zvimwe

Vakawanda Vodya Nhoko dzeZvironda muSakubva kwaMutare

Vagari vekwaMutare vazhinji vanoti vari kudya nhoko dzezvironda sezvo hupenyu huri kuvaomera kuti vararame. Onai zvimwe

ZCFU Inoti Kukwira kweMitengo yeChibage Kwoomesera Varimi

Zimbabwe Commercial Farmers’ Union inoti kukwidzwa kwemitengo yembeu yechibage nevanouchika mbeu kuchaita kuti varimi vakawanda varasike muhurongwa hwavo hwavanga vaita hwemwaka uno Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook