Accessibility links

Breaking News

VaMusukuma Voendesa Zvakare COPAC kuMatare


Makata ari kukwirwa nechirongwa chekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva anenge ari kuramba achikura zvichitevera rimwe danho ratorwa nechimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaDanny Musukuma, rekukwira kumatare vachida kuti vamise komiti iri kutungamira hurongwa uhwu yeCOPAC kuendesa gwaro rebumbiro kuparamende kana richinge rapera kunyorwa.

Mumagwaro avo asvitswa kudare repamusoro, VaMusukuma vanoda zvakare kuti dare rimanikidze COPAC kuita zvakare musangano weSecond AIl Stakeholders Conference, vachiti wakaitwa mwedzi wapera hauna kufambiswa zvakanaka, sezvo vanhu vakanzi vapindure zvinhu zvavasingazivi nezvazvo.

Vadomwa nemazita avo mumagwaro asvitswa kudare repamusoro aya masachigaro ose eCOPAC ari matatu anoti VaDouglas Mwonzora veMDC T, VaPual Mangwana veZanu PF, pamwe naVaEdward Mkhosi veMDC N. Vamwe vadomwa vari mukomiti iri kukokera hurongwa uhwu yeManagement Committee, asi zvinonzi vasiya gurukota rezvemitemo, VaEric Matinenga.

Aka hakasi kekutanga VaMusukuma vachiendesa COPAC kumatare edzimhosva.

Muna Gumiguru vakaendesa komiti iyi zvakare kumatare vachida kumisa musangano weSecond All Stakeholders Conference.

VaMwonzora vaudza Studio7 kuti VaMusukuma vakarerekera kubato reZanu PF uye vari kushandiswa nevamwe muZanu PF vari kuda kumisa chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna ivo VaMusukuma panyaya iyi, asi vanomirira Zanu PF muCOPAC, VaMangwana, vati havana ruzivo rwekuti VaMusukuma inhengo yebato ravo, uye mashoko ekuti VaMusukuma vari kushandiswa nevamwe muZanu PF.

Zvichakadaro, musangano wekomiti duku yemanagement committee watadza kuitwa neMuvhuro uye unonzi wavakuitwa nemusi weChitatu mushure mekunge vamwe vevari mukomiti iyi vati vakabatikana.

Vanga vaungana vanonzi havana kusvitsa koramu inodiwa kuti musangano uenderere mberi.

Kakomiti aka kakaumbwa kuti kagadzirise makakatanwa akabuda pakuongorora gwaro rezvakabuda kumusangano weSecond All Stakeholders Conference.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG