Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Akanyora Tsamba Yekuti Vashandi veChitungwiza Vadzokere Kubasa?


Chitungwiza
Chitungwiza

Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vadzokera kumabasa vose kunyange hazvo tsamba inonzi yakanyorwa negurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, neChina chapfuura haisi yechokwadi.

Tsamba iyi, iyo isiri kuzivikanwa kuti yakanyorwa nani, yakakurudzira kuti vashandi vadzokere kubasa mukati memaawa makumi maviri nemana.

Asi mutauriri wevashandi veChitungwiza, Reverend Ephraim Katsina, vanoti zvichitevera tsvagurudzo yaitwa nemagweta avo, zvaonekwa kuti tsamba iyi haisi yechokwadi sezvo isina kusainwa naVaGoche sezvinodiwa nemutemo.

Vanoti tsamba iyi haina zvakare chidhindo kanawo zuva rekuti yakanyorwa riini, uyewo yakaita zvekutumirwa neposvo kwete kuendeswa kumahofisi evashandi sezvinodiwa nemutemo wezvevashandi.

Reverend Katsina vanoti kunyange hazvo vaona kuti tsamba iyi haisi yechokwadi, vachakurudzira kuti vashandi varambe vari pamabasa vachitsvaga dzimwe nzira dzekutevera kuti vapiwe mari dzavo.

Reverend Katsina vanotiwo panga pave nekupindira kwevezvematongerwo enyika pamwe nekutysidzirwa kwevashandi, izvo zvakazoita kuti vakurudzire vashandi kudzokera pabasa.

Meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, vatenda kuStudio 7 kuti vashandi vose vadzokera kumabasa uye vari kushanda semazuva ose.

Vatiwo kanzuru iri kuedza napose painogona napo kuti ibhadhare vashandi vayo mari dzavo pasina kuramwa mabasa.

Vashandi veChitungwiza vakaramwa mabasa kwemazuva mashanu kusvika Chishanu chapfuura vachida kuti vapiwe mari dzavo dzemihoro nekubatsirika dzinodarika madhora mamiriyoni gumi nerimwe.

Mari idzi dzave nemwedzi inodarika gumi nemitatu vasati vadzipiwa.

Hatina kukwanisa kubata VaGoche kuti tinzwe divi ravo pamusoro petsamba iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG