Accessibility links

Breaking News

Varimi Vanopiwa Matsamba Anovapa Masimba eKukwereta Mari kuMabhanga


VaRobert Mugabe vakayambirawo varimi vari kushanda nevachena nerweseri
VaRobert Mugabe vakayambirawo varimi vari kushanda nevachena nerweseri

Shuviro yevarimi vadiki ve A1 vakagariswa patsva pasi pechirongwa chekugovera ivhu kuvatema, yekuti vave varidzi vevhu ravo inenge yave kubereka michero inooneka mushure mekutanga kupiwa kwavo magwaro anoratidza kuti ndivo varidzi veminda yavari kurima.

NeChitatu mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakapa varimi vanodarika makumi manomwe vekuMashonaland West matsamba emvumo yekuti varimi vadiki ava vagare paminda yavakapiwa mushure mekutorerwa mapurazi kwevarimi vechichena.

Varimi ava vachazoshandisa matsamba aya kutsvaga zvikwereti kumabhanga, uye achange achitsiva matsamba aipa varimi masimba ekugara paminda yavo kwemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe akapiwa varimi navanamudzviti mugore ra2006.

VaMugabe vanonzi vakatiwo matsamba emvumo aya haakwanisi kushandiswa nemumwe munhu asiri pagwaro iri, uye achapiwa kune avo chete vari kukwanisa kushandisa ivhu ravakapiwa.

Vakayambirawo varimi vakagariswa patsva vanonzi vari kushanda nevachena nerweseri mukurima kuti vanokwanisa kutorerwa minda yavo.

Asi nyaya huru yavepo ndeyekuti varimi vave kupiwa matsamba ava vachazokwanisa here kuwana zvikwereti kumabhanga, sezvo mabhanga anga achiramba kupa varimi vatsva ava zvikwereti achiti vakanga vasina chibatiso.

Muna 2006 gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vakayambira mabhanga emunyika ainyima varimi ava zvikwereti kuitira kuti aizotorerwa matanho kana akasabatsira varimi ava nezvikwereti.

Mumwe murimi akagariswa patsva uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti danho rakaitwa nemutungamiri wenyika iri idanho rinofadza zvikuru sezvo vana veZimbabwe vainge vapiwa minda vakanga vasina chekuratidza nacho kuti zvavakarwira zvabereka michero.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanotiwo idanho rakanaka chose kuti varimi vapiwe masimba pavhu ravo, asi vanoona sepachaita dambudziko kuti vemabhanga vakweretese varimi ava mari.

VaChitambara vanoti zvimwe dai hurongwa hwekubuda nematsamba aya hwakaitwa pamwechete nevemabhanga zvaibatsira kuti vaisewo pfungwa dzavo mukati.

Asi VaChirumhanzu vanoti vanoona pachiita dambudziko chete kana varidzi vemabhanga vakanga vari vachena, avo vavanoti havambofa vakatsigira chirongwa chekuendeswa kwevhu kuvatema.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG