Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Dzotambira Bhajeti raVaChinamasa


Gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa
Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti dzagutsikana nematurirwo aitwa bhajeti regore rinouya remari inodarika zvishoma mabhiriyoni mana emadhora negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vachiti riri kubata bata mapazi ehurumende anoda mari akawanda.

Vachiparura bhajeti ravo muparamende, VaChinamasa vazivisa kuti nyika yakabatwa nezvicherwa asi vati dambudziko riripo nderekuti mitengo yacho inotarwa kunze kwenyika.

Vatiwo hapana kujeka kwakakwana panyaya yekutengeswa kwemangoda ari kucherwa kwaMarange.

Mashoko aVaChinamasa anotsigira mashoko evaimbove gurukota rezvemari, VaTendai Biti, avo vaigara vachichema nenyaya yekuti hapana kujeka pakutengeswa kwemangoda ekwaMarange.

Gurukota iri ratiwo nyika iri kutenga zvakawanda kubva kunze zvichienzaniswa nezviri kutengeswa kunze, zvichikonzerwa nekusarira shure kwemichina iri kushandiswa munyika mukugadzira zvigadzirwa izvi.

Mukuru wesangano ravana chipangamazano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, uye vari nyanzvi mune zveupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti VaChinamasa havana kuda kurova imbwa vakaviga mupinyi nekuburitsa pachena kwavaita zvimhingamipinyi zviri kutadzisa nyika kuenderera mberi.

Asi vanoti VaChinamasa havana kuzonyatsoburitsa pachena kuti zvinhu zvavati zvichanaka, zvichanaka sei.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanotiwo vatambira bhajeti raVaChinamasa iri, vachivarumbidza kuti munhu asina kuda kupa nyika vimbiso yakanyanya kuwanda, zvinozotadza kuzadziswa mune remangwana.

VaJokonya vanoti vafarawo kwazvo kuti VaChinamasa vaburitsa pachena kuti hapana kujeka kwakakwana panyaya dzemangoda, izvo zvagara zvichichemwa neveruzhinji.

Asi vanotiwo VaChinamasa havana kubata zvakasimba nyaya yehuori uye kuti ingarwiswa sei, sezvo riri iro dambudziko ranyanya kudzosera nyika kumashure.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG