Accessibility links

Breaking News

Mheni Yoparadza Mhuka neVanhu


Kuungana kwemakore emvura mazuva ano chava chinhu chinotyisa vanhu vakawanda muZimbabwe sezvo mvura iyi yaakunaya iine mheni iyo iri kupisa misha yevanhu, kuurayawo vanhu pamwe nezvipfuyo zvawo.

Mazuva mashoma apfuura mheni yakauraya mhuri ine vanhu vanomwe nekuvapisira mumba kuBikita.

KuTsholotsho, Radio Dialogue inoti vagari veikoko vava kutsvaga rubatsirwo rwen’anga mushure mekunge mheni yarova zvikoro zviviri uye ichiramba ichiuraya zvipfuyo.

Bazi reMeteorological Services Department rinoti mheni inouraya vanhu vanodarika zana gore roga roga muZimbabwe.

VaTichaona Zinyemba, avo vanoshanda neMeteorological Department, vanoti kana mvura ichinaya vanhu havafanirwe kunge vari munzvimbo dzakaita semapani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG