Friday, May 24, 2013 Local time: 21:54

Nhau / Matongerwo eNyika

SADC Inoti VaMutambara Havafanire Kuva Muhurumende

Zvichakanaka, VaMutambara vachitaura naVaMcubeZvichakanaka, VaMutambara vachitaura naVaMcube
x
Zvichakanaka, VaMutambara vachitaura naVaMcube
Zvichakanaka, VaMutambara vachitaura naVaMcube
TEXT SIZE - +
Blessing Zulu
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChipiri vakasangana nemutungamiri webato diki reMDC, VaWelshman Ncube, vakakurukura nyaya yanetsa yekuti mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vasarambe vachiita basa iri sezvo vasina bato riri muhurumende, kanawo gurukota zvaro riri muhurumende yemubatanidzwa.

VaMutambara vakarambwa neSADC kuti varambe vari mutungamiri webato, zvichitevera sarudzo dzakaitwa gore rapera, idzo dzakaona VaNcube vachisarudzwa semutungamiri mutsva weMDC diki.  

Kunyange hazvo SADC yakabuda pachena neMugovera muzvisungo zvayo zvemusangano wepagore wekuMaputo kuti haicharemekedzi zvachose VaMutambara nekuti havasisiri mutungamiri weMDC diki, VaMugabe vanonzi vachiri kuramba vakaomesa musoro.  

Munyori mukuru muMDC yaVaNcube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, avo vakaenda kunoona VaMugabe pamwe naVaNcube, vanoti VaMugabe vachiri kuramba kutambira VaNcube.

Zviri kuitika muZimbabwe zvinopesana zvikuru nedanho rakatorwawo nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanove mutongi gava panyaya yeZimbabwe, avo vakarambawo kusangana naVaMutambara neChitatu pavakapinda munyika zvakapa kuti VaMutambara vatuke VaZuma kumusangano weSADC vachiti vainge vopindira munyaya yeZimbabwe.

Kunyange hazvo vamwe vatungamiri venyika dzemuSADC vaitsigira danho reSouth Africa, VaMugabe vanonzi vakapedza maawa maviri ose vachitsigira VaMutambara. 

Asi vatungamiri venyika dzemuSADC vakati vava kucherechedza VaNcube pose panotaurwa nyaya dzeZimbabwe, kwete VaMutambara. Chipangamazano chaVaZuma munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudzawo Studio 7 kuti hapana kudzokera shure panyaya iyi. 

Vati vave kucherechedza VaNcube chete kunyange hazvo veZanu-PF vakapenga sei uye varamba mashoko ekuti VaZuma vari kuita zvehukama sezvo vari tezvera waVaNcube.

Muzvinafundo munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaJohn Makumbe, vanoti VaMutambara vanofanira kusiya basa nekuti vave kuzvinyadzisa.

Hurukuro naAmai Priscialla Misihairambwi Mushonga
Loading
12:00:00 / -:--:--

Hurukuro naVaJohn Makumbe
Loading
12:00:00 / -:--:--
This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook