Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanovimbisa Kugadzirisa Hupfumi neMitemo Inokwezva Mabhizinesi


Mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vatura mashoko avo pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika kana kuti State of the Nation Address vachiti hurumende ine zvinhu gumi zvaichaita zvakanangana nekusimudzira hupfumi hwenyika.

VaMugabe pavanga vachitaura vange vachimbosvereredzwa nenhengo dzebato rinopikisa reMovement for Democractic Change.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitura mashoko avo mudare reparamende, VaMugabe vati zvinhu zvichaitwa nehurumende zvinosanganisira kuvandudza mabasa ekurima nekugadzirwa kwezvinhu, kuvandudza mabizimisi madiki neari pakati nepakati, kukwezva vemabhizimisi vekunze pamwe nekurwisa huwori.

VaMugabe vabvuma kuti hupfumi hauna kumira zvakanaka uye vati zvakakosha kuti nyika irambe ichitaurirana nemasangano anopa rubatsiro ekunze kuitira kuti igokwanisa kuwana mari yekusimudzira hupfumi.

Vatendawo kuti Zimbabwe haisi nzvimbo yakakanaka kuita mabhizimisi vakati nekuda kwaizvozvo hurumende ichavandudza mitemo yemakambani neyevashandi kuitira kuti nyika ikwanise kukwezva vemabhizimisi vanobva kune dzimwe nyika.

VaMugabe vati nyaya yekukwezva mabhizimisi ekunze inyaya yave kutorwa nehurumende zvakakosha zvekuti vachatadza kuita basa iri vachasungirwa kuti vape tsananguro.

Vatendawo China nekubatsira Zimbabwe nezvikwereti zvakawanda zvekubatsira munyaya dzehutano, magetsi, mvura nezvimwe.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTakura Zhangazha, vati hapana chitsva pane zvataurwa naVaMugabe kunze kwekuti vangotaura nemunhu ange ari pabasa rake.

Vati veruzhinji vange vakatarisira kuti VaMugabe vature hurongwa hwekuti hurumende yavo ichagadzirisa hupfumi sei sezvo zvinhu zviri kuramba zvichishata munyika.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vati kunyange hazvo VaMugabe vataura vanofanira kuita zvavataura kwete kungogumira mukutaura chete.

Vati kunyange hazvo VaMugabe vati hurumende yavo iri kuvandudza mitemo yevashandi hapana zvazviri kushandura sezvo vashandi vari kuramba vachidzingwa mabasa.

Vekunze vanoti Zimbabwe inyika yakaoma chose kuita bhizimisi nekuda kwemitemo yayo yakaita seyekupa masimba munyaya dzehupfumi kuvatema, kudhura kwezvinhu pamwe nemitemo yevashandi iyo inoomesera vemabhizimisi.

VaMugabe avo, vanozivikanwa nekutaura kwenguva yakareba chose pazvitiko zvakaita sezvi vataura kwemaminitsi makumi maviri nemana chete.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti mashoko aVaMugabe anoratidza kuti havasi kuziva zviri kuitika munyika.

Bato iri ratiwo VaMugabe vaifanirwa kutaura pamusoro pemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vakapambwa vakatsakatika mwedzi mishanu yapfuura.

MDC yatiwo VaMugabe vanga vachifanirwa kuudza nyika kuti vachaenda riini pamudyandigere sezviri kutarisirwa nevanhu vakawanda munyika, kwete kuvimbisa kuti vachagadzirisa nyaya dzemabasa hurumende yavo iri iyo iri kupa kuti makambani avhare.

XS
SM
MD
LG