Accessibility links

Breaking News

VaObama Voyambirwa Kusabvisa Ziso Ravo Pana VaMugabe


Obama
Obama

Mutungamiri we America, VaBarack Obama, avo vakatumira nhumwa dzavo kuZimbabwe masvondo mashoma apfuura, vari kukurudzirwa kuti vaise ziso ravo pa Zimbabwe sezvo zvinhu zvichizogona kuguma zvaita manyama amire nerongo munyika muchiita kurwisana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muyambiro yakanyorwa nechipangamazano musangano reCenter Global Developmemt, VaTodd Moss, pamwe naVa Jeff Smith vanoshanda neRFK Center, vaviri ava vanoti hurumende yaVaObama inofanira kuiswa mubhodhi rinotarisisa nyika dzinotyirwa kuti dzingaite mhirizhonga. Bhodhi iri rinonzi Atrocities Prevention Board.

Asi ko Zimbabwe ingapinde sei apa?

VaMoss naVaSmith vanoti ukaona gudo ratota mahobi ziva kuti mubvumbi wabvira kure. Vanoti kurwisana mumapato ose ezvematongerwo enyika, kupambwa kwevanhu uye hupfumi hwenyika hwananga kumawere, zvinhu zvinogona kusiya Zimbabwe isiri pakanaka.

Kunyangwe hazvo kuine nyika dzine hondo dzakaita seSomalia, Iraq, Syria, Ukraine neNigeria, vaviri ava vanoti zviri nani kuti Zimbabwe igadziriswe zvinhu zvisati zvasvika pakaipa.

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vanotenda kuti zvinhu zvasvika pakaita.

Mashoko aya anotsinhirwa nemunyori mukuru muMDC Renewal Team, VaTendai Biti, avo vanotiwo munyika hamuna kumira zvakanaka zvachose panguva iyo paine kurwisana kukuru muZanu PF

Gweta uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaWelsman Ncube, VaDavid Coltart, vatiwo Zimbabwe injodzi yakamirira kuitika nekuti kurwisana nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwanyanya.

Asi nhengo yeZanu PF politiburo, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti muZimbabwe mune runyararo uye America ndiyo inoda kuti zvinhu zvisagadzikane.

VaMangwana vanotiwo nyaya yekuti ndiyani achatsiva VaMugabe harisi dambudziko reAmerica nekuti izvi zvichagadziriswa neZanu PF nevanhu vayo.

Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti kupambwa kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, munongedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti hurumende iri kuita zvose zvainogona kutsvaga nekuwana pana VaDzamara.

Asi VaMoss naVa Smith vanotiwo masangano akaita seUnited Nations neAfrican Union anofanirawo kugara akatarisa zviri kuitika muZimbabwe uye kuyeuchidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti kutyora kodzero dzevanhu nekuita vanhu kafiramberi, inyaya dzinouya nemurango wakasimba.

XS
SM
MD
LG