Tuesday, September 30, 2014 Local time: 13:49

Nhau / Africa

Paramende Yoronga Kuvandudza Mitemo Inobata Kuburitswa kweMashoko

x
Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko inoti iri kuronga kuunza muparamende bhiri remutemo mutsva wakanangana nekubatsira vatori venhau kuti vashande vakasununguka.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, mumiriri weKwekwe - Mbizo muparamende, VaSettlement Chikwinya, vati komiti yavo iri kuronga bhiri remutemo richavandudza mutemo we Access to Information and Protection of Privacy Act, kuitira kuti vatori venhau vashande vakasununguka munyika.

VaChikwinya vati bhiri iri rikatambirwa neparamende, richaita kuti Zimbabwe Media Commission ishande zvakanaka, hurumende isingapindire mukushanda kwayo.

Nyanzvi munyaya dzemitemo inoshanda yakazvimirira, Muzvare Rose Gomo, vatiwo bhiri iri rakanaka nekuti richaita kuti vatori venhau vakwanise kuwana mashoko avanenge vachida.

Asi mukuru we Media Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti bhiri iri harina kutwasuka, nekuti chinangwa charo ndechekuda kugutsa zvido zvemapato maviri e Zanu PF neMDC. Vatiwo bhiri iri rinoda kubatwa batwa zvakasimba risati raendeswa kuparamende.

Vamwe vatori venhau vapawo chikumbiro chekuti mimwe mitemo yemudunhu reSADC neyeUnited Nations, iongororwe nechinangwa chekusimbaradza bhiri iri risati rasvitswa muparamende.

Mapato ari muhurumende akawirirana muchibvumirano che Global Political Agreement kugadzirisa mitemo inobata vatori venhau, asi kusvika pari zvino, hapana chati chaitwa.

You May Like

Vakuru Votashurana muZanu PF VaMugabe Vakanyarara Zvavo

Kusawirirana mu Zanu PF pamberi pekongiresi yebato iri ichaitwa muna Zvita kuri kuramba kuchienderera vakuru vakuru mubato iri vachikandirana makobvu nematete. Onai zvimwe

Epworth neChitungwiza Dzoendeswa kuMatare

Magweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights aenda kudare repamusoro senzirai yekuyedza kumisa Epworth Local Board kupwanya dzimba dzevanhu. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Makongiresi eMatunhu eMDC T Oenderera Mberi

Makongiresi ematunhu mubato reMDC-T pamwe nekudoma vachakwikwidza pazvigaro zvepamusoro pakongiresi huru ichaitwa mukupera kwemwedzi unouya, zvinonzi zviri kuenderera mberi zvakanaka. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Facebook