Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti VaMugabe neZanu PF Yavo Vatadza Kutonga


Nhengo dzeMDC-T dzinodarika chiuru dzaratidzira pamuzinda webato iri muHarare dzichiti hadzisi kufara nemamiriro aita zvinhu munyika.

MDC-T inoti kubva pakaitwa sarudzo dzegore rapera idzo inoti dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro, hapana chashanduka kunze kwekuoma kwezvinhu.

Nekune rumwe rutivi, mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vaita mhemberero dzekukunda musarudzo idzi pachiitiko chaitirwa ku State House.

Gore rakwana kuti ngende kubva sarudzo idzi dzaitwa idzo dzinonzi nemutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, dzakabirirwa zvemhando yepamusoro-soro.

Vachitaura nevaratidziri ava, sachigaro wevechidiki ve MDC-T mupurovhinzi ye Harare, Va Shakespeare Mukoyi, vati chave kudikanwa inhaurirano pakati paVa Mugabe naVaTsvangirai uku veruzhinji vachiratidzira kusvikira paitwa sarudzo itsva dzinoitwa zviri pachena.

Vakafanobata chinzvimbo chemutungamiri wevechidiki muboka revechidiki mu MDC-T, uye vari nhengo inomirira Budiriro muparamende, Va Costa Machingauta, vati zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyika panyaya dzehupfumi.

Vatiwo Zanu PF iri kutadza kupa vechidiki mabasa ayakavimbisa payaitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rapera.

Apo vechidiki ve MDC-T vanga vachiratidzira, Va Mugabe vanga vachiita mabiko ku State House ekukunda kwavakaita musarudzo idzi.

Va Mugabe vanoti vakahwinha zviri pachena kunyange hazvo MDC-T pamwe nevenyika dzepasi rose kunze kweve SADC ne African Union vachiti sarudzo idzi dzakabirirwa.

Kunyange hazvo Va Mugabe vachiti vakakunda musarudzo dzegore rapera, mutauriri webato idzva rezvematongerwo enyika re National Constitutional Assembly, Va Madock Chivasa, vanoti hurumende haina kana nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika nokudaro vanoti chiri kutodikanwa ibato idzva kuti ripinde muhutongi kuti rigogadzirisa zviri kunetsa munyaya dzehupfumi kunyanya.

Va Chivasa vanoti veruzhinji vave kudya nhoko dzezvironda vashoma vachizvimba matumbu nekuguta. Vanoti huori hwadzikawo midzi muhurumende zvava kutemesa veruzhinji musoro

Izvi zvakatsinhirwa nemunyori weboka revechidiki muchikwata che MDC chiri kuzvidaidza kuti MDC Renewal Team, Va Promise Mkwananzi.

Va Mkwananzi vanoti chave kudikanwa ikomiti yenyanzvi munyaya dzezvehupfumi inombofambisa zvinhu vezvematongerwo enyika vari parutivi kusvikira sarudzo dzaitwa.

Va Chivasa vanotiwo bato ravo riri kugadzirira kuti ritonge nyika pachaitwa sarudzo vachiti pane mukana mukuru wekuti Va Mugabe pamwe nebato ravo re Zanu PF vanokundwa musarudzo idzo dzakatarisirwa kuitwa muna 2018.

Kunyange hazvo hurumende yakaparura chirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika chiri kudaidzwa kuti Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation, kana kuti ZimAsset, iine chinangwa chekuwanisa veruzhinji mabasa nekusimbaradza hupfumi hwenyika, Va Chivasa vanoti havawone paine chine kumeso chichabuda pasi pechirongwa ichi sezvo homwe yehurumende yakabooka.

Kunyange hazvo sarudzo dzegore rapera dzisina kufamba zvakanaka, mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, Va Fortune Chasi, vakaudza vanhu vaiva pamusangano wakaitwa mu Harare svondo rino wekuongorora mamiriro ezvinhu munyika kubva sarudzo dzaitwa wakarongwa nesangano re Crisis in Zimbabwe Coalition kuti vane chivimbo chekuti zvinhu zvichanaka munyika kana zvirango zvakatemerwa Va Mugabe nevamwe vavo vari mu Zanu PF zvabviswa.

Asi mutauriri we Crisis in Zimbabwe Coalition, Va Mfundo Mlilo, vanoti chiri kukonzera kuti zvinhu zviwome munyika inyaya yekuti Zimbabwe haikwanise kudyidzana nedzimwe nyika pamusana pekusafambiswa zvakanaka kwakaitwa sarudzo dzegore rapera.

Sangano re Crisis in Zimbabwe Coalition riri kukurudzirawo kuti hurumende inanganise mitemo yese nebumbiro idzva remitemo yenyika izvo zvinonzi naVa Chasi zviri pakati pekugadziriswa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano re Zimbabwe Democracy Institute, Va Pedzisai Ruhanya, vanoti zvirongwa zvehurumende zvinofanira kufambira nekugadziriswa kwezvhinhu zvinoita kuti munyika muve nehutongi hwejekerere kuti vekunze vane mari vazoda kusima mari yavo munyika zvinozoita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinhu zvakatanga kusamira zvakanaka pakatangwa chirongwa chekugovera minda kuvanhu vatema.

Nekune rumwe rutivi hurumende inoti hupfumi hwenyika hwakatarisirwa kukura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana gore rino.

Asi masangano akaita se International Monetary Fund ne World Bank anoti hupfumi kwenyika hunogona kukura nezvikamu zviri pakati pezviviri nezvitatu kubva muzana gore rino.

Veruzhinji vanoti zvinhu zvikaramba zvakaminama kudai munyika, vanhu vanogona kupedzisira vasvuuka nenhamo iyo yave kupfunya chisero munyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:13:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG