Saturday, November 01, 2014 Local time: 09:33

Nhau / Africa

Kunetsana muApex Kotanga Zvakare

x
Jonga Kandemiiri
Pava nekusawirirana kukuru pakati pemasangano anomirira vashandi vehurumende, zvichitevera danho rakatorwa nemutungamiri weZimta, uye vakambotungamira sangano reApex Council, Amai Tendai Chikowore, rekunyorera gurukota rezvevashandi vehurumende tsamba vachida mvumo yekuti ivo nekomiti yavaive nayo muApex Council, vatungamire zvakare nhaurirano dzemihoro.

Zimta inoti Amai Chikowore vakatora danho iri mushure mekuona kuti papera mwedzi yakawanda pasina chafamba panhaurirano, sezvo gurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, vakaramba kuita hurukuro neApex Council, vachiti itange yagadzirisa makakatanwa aripo pamusoro pehutungamiri, izvo zvinonzi zvatadzisa kuti paitwe nhaurirano pamusoro pemari dzinotambirwa nevashandi vehurumende.

Mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rakaronga danho iri raona kuti pakanga patora nguva huru pasina kutaurirana pakati pevashandi nehurumende.

Asi mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti kunyange zvakambotaurwa sepfungwa yekutsvaga nzira dzekumutsiridza nadzo nhaurirano, sangano ravo harina kuwirirana nedanho rakatorwa naAmai Chikowore iri, sezvo Apex Council iine hutungamiri huripo.

Mutungamiri weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanotiwo pfungwa yaivepo yaive yekuti kana yatambirwa, Amai Chikowore nechikwata chavo vaizotungamira nhaurirano kwemwedzi mitatu chete, kwete kuti vaibva vatora zvakare hutungamiri hweApex Council.

Hurukuro naVaSifiso Ndlovu
Hurukuro naVaSifiso Ndlovui
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Hurukuro naVaTakavafira Zhou
Hurukuro naVaTakavafira Zhoui
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Hurukuro navaDavid Dzatsunga
Hurukuro navaDavid Dzatsungai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

Vazhinji kuMash West Votsigira Amai Mujuru

Nhengo dzakawanda dzebato reZanu PF mudunhu reMashonaland West dzinoti metevedzeri webato ravo, Amai Joice Mujuru, havafanirwe kuramwa basa ravo nepamusana pezviri kuitika mubato iri. Onai zvimwe

Hurumende Inoti Vekunze Vanogona Kubatsira Nhepfenyuro

Hurumende inoti vedzinhepfenyuro vave kukwanisa kuwana rutsigiro rwemari kubva kunze kwenyika asi izvi zvinoitikika chete kana vachinge vapihwa mvumo nehurumende mushure mekuongorora zvinangwa zveavo vanenge vachipa rubatsiro rwacho. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 


  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook