Accessibility links

Breaking News

Musangano weICASA Wotanga Paine Kurudziro Yekuisa Zvido Zvevakaremara Pamberi


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa

Vanorarama nehurema vari kukurudzira vari kuronga musangano wenyika dzemu Africa wekuzeya pamusoro peHIV/AIDS pamwe nezvirwere zvepabonde zvinotapuriranwa kuti unyatsozeya matambudziko ari pamusoro pezvirwere izvi zviri kusangana nevakaremara.

Musangano weInternational Conference on AIDS and STI's in Africa, ICASA, uri kutanga neSvondo muHarare uchipera musi wa 4 Zvita.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanomiririra vakaremara mudare re Senate, VaNyamayabo Mashavakure, vanoti vakaremara vanofanira kunge vari mukati mehurongwa uhwu kuitira kuti chinangwa ichi chibudirire.

VaMashavakure vanoti vakaremara vakangofanana nevamwewo vanhu, zvekuti vanongobatwawo nezvirwere zvepabonde.

Pastor Thomas Muchadenyika, avo vanoshanda nevechidiki vakaremara vachivapa mazano, vanoti zvichabuda mugungano reICASA zvinofanira kunyorwa ne Braille uye pachishandiswawo mutauro wemaoko, sign language, kuitira kuti vasingaone vakwanise kuzvidzivirira kune zvirwere zvepabonde.

Imwe nhengo yeDisability Board, Amai Lilian Gwanyanya, avo vakaremara, vanotiwo madzimai akaremara anofanira kunge ari mukati megungano iri kuitira kuti vanhukadzi vasasarire shure pazvisungo zvinenge zvichiitwa, uye kuti vadzidzise vauyi pamusoro pematambudziko avo.

Gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, avo vari kutarisirwa kutaura pamusangano uyu, vanoti Zimbabwe yarwisa zvikuru munyaya dzeHIV/AIDS, asi vachitizve Zimbabwe inogona kuita zvihombe kudarika zvayaita kusvika pari zvino.

Musangano weICASA uchapindwa nenyika dzinosvika zana nemakumi mashanu, uye nhumwa dzinodarika zviuru zvinomwe.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzichazeya matambudziko akatarisana nenyika mukurwisa kwadzo zvirwere zvepabonde.

Zimbabwe yakasarudzwa kuita musangano uyu mushure mekunge zvaonekwa nehutungamiri hweICASA kuti Tunisia yainge yakabatikana nezvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika iyi.

XS
SM
MD
LG