Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeOccupy Africa Unity Square yaVaDzamara Dzogara Dzichitya Kupambwa


Va Itai Dzamara
Va Itai Dzamara

Dzimwe nhengo dzechikwata cheOccupy Africa Unity Square, icho chinotungamirirwa naVaItai Dzamara, dzave kugara dzichiteverwa nevanhu vari kufamba nemotokari dzisina nhamba dzakakwana uye dzakafanana nemotokari yaifamba nevanhu vakapamba VaDzamara mumusha weGlen View.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo idzi dzaudza Studio7 neChipiri kuti kushungurudzwa uku kwakawedzera pazororo reEaster zvekuti vamwe vavo vakatopedza zororo iri vasiri padzimba dzavo.

VaStephen Sibanda, avo vanoshandawo mumasangano eOccupy Africa Unity Square ne National Youth Action Alliance, vanoti kubvira musi weChina chapfuura vange vari kuona vanhu vane motokari dzisina manhamba akakwana dzichingodarika kana kumbomira pamba pavo kwenguva yakareba.

Vanoti neMuvhuro manheru chaiwo vakaona imwe motokari ine nhamba dzinoti P9229 yakamira pagedhedi repamba pavo kwenguva yakareba uye zvakatozoita kuti vatsvage kwekuenda.

Imwe nhengo yesangano re Occupy Africa Unity Square, VaLlyod Masarirambi,vanoti vakapotswa vapambambwa muguta nemusi weChitatu chapfuura.

Vanoti vari kugaro forenerwa nevanhu vasingatuare mazita avo vanenge vachibvunza nezveVaDzamara.

Vaenderera mberi vachiti vakatadza kutamba kuzororo reEaster vari kumba mushure mekunge vaudzwa kuti vainge vakamirirwa nevanhu vasingazivikanwe kumba kwavo.

Mutevedzeri waVaDzamara muOccupy Africa Unity Square, VaDirk Fray, vanoti kushungurudzwa kwese kwavari kuitwa hakuzi kuzovadzorera kumashure muhondo yavo yekutsvaga VaDzamara pamwe nekuti VaMugabe vabve pachigaro nenyaya yekuti vari kutadza basa.

Vatiwo havasi kufara nenyaya yekuti mapurisa haana zvaari kuita mukutsvaga VaDzamara kunyange hazvo akavimbisa kuita izvi.

Zvichakadai, magweta aVaDzamara akaenda kudare reHigh Court neChina svondo rapfuura achida kuti mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, pamwe nemumwe mukuru wevasori, VaHappiton Bonyongwe, vatongwe nenyaya yekuzvidza mutongo wedare.

Dare iri rakapa mutongo wekuti mapurisa nevasori vaifanira kuzivisa dare iri zvese zvarinenge rawana mukutsvaga kwavari kuita VaDzamara masvondo maviri ega ega.

Asi izvi izvi hazvina kuitika.

VaDzamara vakapambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori musi wa 9 Kurume mumusha weGlen View. Kusvika pari zvino VaDZamara havasi kuzikanwa kuti vari kupi.

Sangano re Crisis in Zimbabwe Coalition rakaisa parutivi zviuru zviviri zvemadhora semubayiro wekupa munhu anobuda pachena achiudza nyika kuna VaDzamara.

Hurumende inoti iri kushushikanawo kuti akapamba VaDzamara ndiyani.

XS
SM
MD
LG