Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voungana kuZimbabwe Grounds Vachinamatira VaDzamara neMugovera


Posters of missing activist Itai Dzamara. Some civic organizations in Zimbabwe have offered $2000 for information leading to Dzamara's whereabouts. (Sebastian Mhofu/VOA)
Posters of missing activist Itai Dzamara. Some civic organizations in Zimbabwe have offered $2000 for information leading to Dzamara's whereabouts. (Sebastian Mhofu/VOA)

Vari kutungamira hurongwa hwemunamato wekunamatira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa ndokutsakatika, VaItai Dzamara, vanoti hurongwa hwavo, uhwo huriko neMugovera kuZimbabwe Grounds kuHighfield, hwasvika padanho repamusoro soro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bishop Ancelimo Magaya, vechechi yeGrace Ablaze Ministries International, avo vari kushanda nemhuri yekwaDzamara, vanoti kusvika pari zvino zvinhu zviri kufamba negwara ravari kutarisira uye munamato uyu uri kuenderera mberi semarongero avo.

Munamato uyu uri kutarisirwa kutanga nenguva dza 10 mangwanani, uchipera nenguva dza 4pm. Bishop Magaya vanoti vakakoka mapato ose ezvematongerwo enyika uye kusvika panguva yatataura navo, vanga vasati vanzwa kana paine vachakundikana kuvepo pamunamato uyu.

Vamwe vakakokwa ndevemasangano akazvimirira, pamwe nemhomho yose yeZimbabwe.

Munamato uyu waifanirwa kunge wakaitwa mwedzi wapera asi pakaita kupesana pakati pemhuri yekwaDzamara nevedzisvondo vaitungamira hurongwa uhwu.

Mapurisa akanga arambawo kuvabatsira achiti akanga aine humbowo hwekuti hurongwa uhwu hwakanga kwapindirwa nevezvematongerwo enyika.

Asi mhuri yekwaDzamara yakazoenda kudare repamusoro iro rakavapa mvumo yekuti vaenderere mberi nehurongwa hwavo.

VaDzamara vave nemwedzi mina vapambwa mumusha we Glen View muHarare nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

Vakuru vemapato ezvematongerwo enyika vazivisa kunge vari pamunatovanosanganisira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri we Mavambo, Va Simba Makoni, mutungamiri weZapu, Va Dumiso Dabengwa, mutungamiri we National Constitutional Assembly, Va Lovemore Madhuku, nevamwe vanosanganisira vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Hazvisati zvajeka kuti Zanu PF ichange yakamirirwa nani pamunamato uyu.

XS
SM
MD
LG