Accessibility links

Breaking News

Takunda Chingonzo Anotaura naVaObama muWashington


Takunda Chingonzo Anotaura naVaObama
Takunda Chingonzo Anotaura naVaObama

Mudzidzi wepaNational University of Science and Technology, NUST, Takunda Chingonzo, aita rombo rakanaka rekuita hurukuro nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, pamusoro pedambudziko rakatarisana nevechidiki mukutanga mabhizinesi.

Chingonzo, uyo ari muAmerica pasi pechirongwa che Young African Leaders Initiative, aita hurukuro iyi pamusangano wezvemabhizinesi pasi pechirongwa che US-Africa Leaders Summit. Chirongwa ichi chiri kupindwa nevatungamiri vemuAfrica vanodarika makumi mana.

Chingonzo anoti vechidiki vari kutanga mabhizinesi vakatarisana nedambudziko remari uye rekutsimbirirwa nevane mari apo vanenge vachida kuti mabhizinesi avo ehunyanzvi asimukire.

VaObama vati iri idambudziko guru nekuti dzimwe nguva vane mari vanopedzisira vatenga vechidiki ava, bhizinesi richibva ratorwa nekuti vanenge vasina mari.

Mudzidzi uyu aratidzawo kushushikana nezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica izvo ati zviri kupa vemabhizinesi vemuAmerica kuti vasatange mabhizinesi muZimbabwe.

VaObama vati ichokwadi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe izvo zviri kupa kuti America isadyidzane neZimbabwe. Vati hurumende yeZimbabwe inofanirwa kuona kuti kodzero dzevanhu dzaremekedzwa, uye sarudzo dzinoitwa nenzira kwayo.

Asi VaObama vabvumawo kuti murawo uyu unovhiringawo vanhu vasina mhosva, izvo zvinofanirwa kugadziriswa. VaObama vapedza hurukuro iyi nekutenda Chingonzo vakakurudzira vemabhizinesi kuti vabatsire wechidiki uyu.

Chingonzo, uyo anove mukuru wekambani ye Saisai Wireless, iyo inopa mukana kune veruzhinji kuti vashandise masaisai epaindaneti, audza Studio7 kuti ari kufara nemafambiro ari kuita hurongwa hweUS-Africa Summit.

Hurukuro naTakunda Chingonzo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Takunda Chingonzo Anotaura naVaObama
please wait

No media source currently available

0:00 0:26:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG