Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kusajekesa Chirongwa Chekuendesa Hupfumi kuVatema


Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi dzinoti hadzisi kufara nenyaya yekuti mazita evanhu vari kuwana zvikamu mumakambani ari kutorwa nehurumende pasi pechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema haasi kuburitswa.

Izvi zvabuda pachena nhasi mushure mekunge kambani yeUnki Mine yati yave kupa zvizvarwa zveZimbabwe zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana. Kambani iyi inonzi yapa zvikamu kuTongogara Community Trust, vashandi vayo uye vamwe vasiri kuzivikanwa asi vari kungonzi vatema vachabatsira neruzivo.

Mamwe matsamba anonzi atangawo kunyorwa kumakambani akaita setongaat hulet yekusouth africa ine minda yenzimbe kuHippo Valley nekuTriangle vachiziviswa nezvezvkamu zvinofanirwa kutorwa pasi pechirongwa ichi .

Tsamba yakanyorwa kukambani iyi inoti mazuva aya akapfuura zvinenge zvabuda pachena kuti kambani iyi haisi kuda kuita bhizimisi muZimbabwe.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSavior Kasukuwere, asi hatina kukwanisa kuvabata. Asi mutevedzeri wavo, VaTongai Matutu, kuti tinzwe zviri kuitika vati chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema hachina kunyatsojeka.

Kunyangwe veMDC vari kuti Zimbabwe iite pore pore panyaya yekutora makambani, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti hapana kudzokera kumashure panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG