Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau Akaita Mukurumbira, Va Bill Saidi, Vanoshaya


Bill Saidi
Bill Saidi

Vatori venhau munyika vanoti varasikirwwa zvikuru zvichetevera kushaya kwaVaSaidi avo vange vave nemakore anodarika makumi mashanu vachitapa nekupepeta nhau pamwe nekunyora mabhuku.

Mutori wenhau aive nemukurumbira munyika, VaBill Saidi, vashaya muKitwe kuZambia uko vakaenda kunoona amai vavo vairwara.

Mashoko atiri kutambira anotiwo amai vaVaSaidi, vakashayawo svondo rapera.

Vatori venhau munyika vanoti varasikirwwa zvikuru zvichetevera kushaya kwaVaSaidi avo vange vave nemakore anodarika makumi mashanu vachitapa nhau pamwe nekunyora mabhuku.

Mwana waVaSaidi, Liz Saidi Ben, anyora padandemutande reFacebook achiti baba vaenda kumusiki uye vaive munhu akamuumba pamwe nekumuratidza nzira yehupenyu.

Vamwe vatori venhau vakashanda naVaSaidi kwemakore akawanda vanoti Zimbabwe, neAfrica dzarasikirwa zvikuru nekufa kwaVaSaidi.

Vatapi venhau vakawanda vati VaSaidi munhu aiziva basa rake, uye aive asina matyira. Vanonzi vakadzidzisawo vanhu vakawanda kuita basa rekutapa nekunyora nhau.

VaChris Chinaka vaudza Studio7 kuti VaSaidi vange vari ziteteguru rekutapwa kwenhau muZimbabwe neAfrica yose.

VaChinaka vanoti VaSaidi munhu akaita basa guru munyaya dzekutorwa kwenhau pamwe nekudzidzisawo vamwe muZimbabwe, Southern Africa neAfrica yose.

Mumwe mutori wenhau, Chengetai Zvauya, uyo akashanda naVaSaidi kuDaily News on Sunday kubva muna 2002 kusvikira parakavharwa nehurumende, anoti VaSaidi vaive godobori munyaya dzekutapa nhau uye akadzidza zvakawanda kubva kwavari.

Nhengo yebhodhi reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, uye akashandawo naVaBill Saidi kuDaily News, Columbus Mavhunga, anoti Zimbabwe yarasikirwa negamba rekunyorwa kwenhau uye dai kwaive nenzvimbo inovigwa magamba ekunyora nhau, VaSaidi vaikodzera kuradzikwa panzvimbo iyi.

Mavhunga anoti VaSaidi vaive munhu aifarira basa rake pamwe nekudzidzisawo vamwe basa.

VaSaidi, avo vakaberekwa muna 1937, vakashandira mapepanhau akawanda muZimbabwe akaita seHerald, Sunday News, Manica Post, Sunday Gazette, Horizon Magazine, Daily News neDaily News on Sunday nemamwe.

Nyika isati yawana kuzvitonga muna 1980, VaSaidi vaishanda semutori wenhau muZambia vakasvika pachinzvimbo chekuva mutevedzeri wemupepeti mukuru wekambani yeTimes Newspapers.

Pakawana nyika kuzvitonga, VaSaidi vakava mutevedzeri wemupepeti mukuru weHerald.

Vakanyorawo mabhuku akakwanda anosanganisira The Hanging, Return of the Innocent pamwe na Days of the Baboons.

Hurongwa hwekuradzikwa kwaVaSaidi hausati hwaziviswa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG