Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoverenga Misoro yeVarairidzi neVana veChikoro


Vana vechikoro vanonzi vachaverengwawo zvakare
Vana vechikoro vanonzi vachaverengwawo zvakare

Hurumende yakazivisa kuti ichange ichiverenga varairidzi pamwe nevana vechikoro muzvikoro zviri mumisha yeMbare neHatfiled, mudunhu reHarare kubva musi weChipiri Gunyaya 8, unove musi uchavhurwa zvikoro.

Tsamba yakabva kubazi rezvedzidzo yakasainwa nevanonzi Amai A. Ncube musi wa 31 Nyamavhuvhu, ichienda kuvakuru vezvikoro mudunhu iri, iyo iri mumaoko eStudio 7, inozivisa kuti vashandi vePublic Service Commission ndivo vanenge vachishanyira zvikoro zvose uye munhu wese anofanirwa kuwanikwa ari panzvimbo achiita zvaanotarisirwa kunge achiita.

Tsamba iyi inotiwo vashandi ava vachatarisa kuzvinhu zvakaita semabhuku anosainwa nevarairidzi zuva roga-roga, uye kutiwo vana vechikoro varipo here, nezvimwe zvakawanda.

Asi danho iri razunza hukasha hwerimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, iro rinoti rinoona danho iri senzira yekuda kushungurudza varairidzi.

Munyori mukuru wesangano iri VaRaymond Majongwe vanoti sesangano havasi kuzoshanda pamwe nevashandi ava.

Vanotiwo hurumende inofanirwa kunge ichitevera vashandi vari mune mamwe mapazi, pane kuswera vachitambisa mari kutevera vanhu vari kushanda mabasa avo.

Vanoti hapana mushandi akazvipinza pabasa, asi kuti anotopinzwa nehurumende.

Hurumende yakatanga chirongwa chekuverenga vashandi vayo mpamabasa senzira yekudzura nayo vanhu vari kunokora mari vachinzi vashandi asi ivo vasiri kuswera pamabasa.

Varairidzi vanodarika zviuru zvitatu vanonzi vakatomira kutambiswa mari dzavo dzemihoro mushure mekunge vashaikwa pamabasa pakatangwa chirongwa ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG