Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Richapa Mutongo Waro paNyaya yaAmai Grace Mugabe


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Dare remuSouth Africa rasendeka parutivi mutongo waro panyaya yekuti mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vasachengetedzwe nemitemo kuitira kuti vatongwe nemhosva yekurova gore rapera tsvarakadenga yekuSouth Africa, Muzvare Gabriela Engels.

Dare redzimhosva remuPretoria rapeta nyaya yanga ichinzwikwa mudare iri yekuti kupihwa kwakaitwa mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, diplomatic immunity, kwaiva pamutemo here kana kuti kwete.

Dare raJustice Bashier Vally rati richapa mutongo waro munguva isina kutarwa.

Vachipeta nyaya yavanga vachinzwa kwemazuva maviri, VaVally vatenda mativi ose, uye masangano akabatana mukuunza nyaya iyi mudare. Vati vachapa mutongo wavo mugwaro ravachanyora, asi vati havana ruzivo kuti izvi vachazviita riini.

Vachitaura pamusoro pedanho ratorwa nedare, amai vaMuzvare Engels, Amai Debbie Engels, vati vanofara nemabatirwo akaitwa nyaya yemwana wavo nemagweta ari kumumiririra.

Vatiwo vanotarisira kuti kana vakunda, Amai Mugabe vachamiswa pamberi pedare redzimhosva vachityongwa nemhosva yavakapara.

Vaenderera mberi vachiti kana izvi zvaitika, chichave chiratidzo chekuti hapana munhu anonzi ari pamusoro pemutemo.

Kunyange hazvo Amai Engels vaudza vatori venhau kuti Amai Mugabe vakamboedza kuvapa chioko muhomwe kuitira kuti nyaya iyi ipere, varamba kudoma kuti chakange chiri chemarii. Vati vakaramba kutambira mari iyi nekuda kwekuti hupenyu hwemwana wavo hwaikosha kupfuura mari. Vati chavari kunyatsoda kuti Amai Mugabe vakumbire ruregerero kumwana wavo.

Nyaya iyi yakange yaunzwa pamberi pedare mushure mokunge magweta aMuzvare Engels achimirira masangano anoti AfriForum, Democratic Alliance, Commission for Gender Equality, ne Freedom Under Law, apikisa danho rakatorwa nehurumende yeSouth Africa gore rapera, rekushandisa mutemo we diplomatic immunity, kuitira kuti Amai Mugabe vasasungwe kana kutongwa nematare mushure mekupomerwa mhosva yekukuvadza zvakaipisisa Muzvare Engels gore rapera muna Nyamavhuvhu paimwe hotera iri muJohannesburg.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG