Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvingaitike Kana VaMugabe Vakafira paChigaro


Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti mutamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kana vakafira pachigaro zvinogona kuitika kuti mumwe wevatedzeri vavo, VaEmmerson Mnangagwa,ndivo vanotora chigaro sezvo vane hukama hwakasimba nevemuchiuto, mapurisa nevasori.

Asi pane vamwe vanoti munhu wese mubato reZanu PF ane mukana wekutungamira bato iri kana VaMugabe vafa.

Izvi zviri kutsigirwawo neongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Democracy Institute.

Bumbiro remutemo wenyika rinoti kana mutungamiri wenyika achinge afa, kana kubviswa pachigaro, mutevedzeri wavo anenge apedzesera kusanobata chigaro chemutungamiri wenyika ndiye anotora chigaro ichi kwemazuva makumi mapfumbamwe apo bato reZanu PF rinofanira kudoma munhu anozotora chigaro ichi.

Bato iri rinofanira kuzoendesa zita iri kuparamende uko nhengo dzedare iri dzinosarudza mutungamiri wenyika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, Doctor Ibbo Mandza, vanoti nemamiriro akaita zvinhu muZanu PF, paramende inogona kupihwa mazita akawanda kubva kuzvikwata zviri mubato reZanu PF zviri kurwira masimba.

Mukuru weZDI, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanobvumirana nemaonero aya vachiti kunyange hazvo pane bumbiro rebato iri pamwe nerenyika, izvi hazvisi kuzotevedzwa uye vechiuto vane simba panyaya yekusarudza mutungamiri wenyika.

VaRuhanya vanoti VaMnangagwa vane hukama hwakanaka chose nemauto nevasori uye vanoona sekuti izvi ndizvo zvichaita kuti vawane chigaro chemutungamiri wenyika.

Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, zvekare vari gweta, VaTendai Biti vanotiwo zviri pachena kuti kana VaMugabe vakafira pachigaro, VaMnangagwa ndivo vachatora matomu.

Vanonongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaFortune Gwaze, vanotiwo zviri kuitika munyika zvinoratidza pachena kuti VaMnangagwa vari kugadzirira kutora chigaro.

Asi vamwewo vakaita semurairidzi wekutapwa kwenhau paGreat Zimbabwe University, VaGolden Maunganidze, vanoti hapana ane mukana uri pachena wekutora masimba uye mutemo unogona kutevedzwa pakusarudza mutungamiri wenyika kana aripo achinge afa.

VaMugabe vane vatevedzeri vaviri uye pese apo vanofamba kana kuenda kuzororo vaviri ava vanoti VaMnangagwa naVaPhelekezela Mhoko vanochinjana kubata chigaro chemutungamiri wenyika.

VaRuhanya vanoti VaMphoko mutsva panyaya dzematongerwo enyika muZanu PF uye vanenge vasina rutsigiro mubato pamwe nekumauto.

Mugwaro rayo veZDI vanoti kuvepo kwemutungamiri mutsva kuchashandura mashindiro ehurumende uye izvi zvinogona kuti hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika hunake pamwe nekusimudza hupfumi hwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG