Accessibility links

Breaking News

Vachena neMakaradhi Vonetseka Zvinotyisa muZimbabwe


VaKenny Roan vekuMasvingo
VaKenny Roan vekuMasvingo

Apo zvinhu zviri kuramba zvichioma munyaya dzezvehupfimi munyika, nhamo yave kurova vanhu vemarudzi ese munyika kusanganisira varungu nevemamwe marudzi avo vaionekwa sevanhu vasingabatwe nenhamo.

Kune vamwe varungu, kugarika yave manautsa mukanwa chembere kurota ichiyamwa. Kare zvaitoyera kuona murungu kana mukaradhi achipemha. Chaaiva chisionekwe humhandara hwaamai. Kana vatema vane mari vaibva vatonzi "varungu." Asika vanaSorojena vaye varerer muhapwa dzemakomo nevakatsamira zvuru vanoti chisingaperi chinoshura.

Mazuva ano handi zvinhu zvichashamisa kuona murungu kana mukaradhi achipemha mumugwagwa sezvo vanhu ave vavewo kukwangwayawo nenhanhamo sezvirikuita vatema munyika.

Kare vazhinji vevanhu ava vaigara kumisha yevashoma neshoroma, asi parizvino vamwe vavo vave kugara mumisha inogara vazhinji nekuda kwekuoma kwaita hupenyu uye vavewo kutandarira mumabhawa nedzimwe nzvimbo idzo vainge vasingaonekwi apo zvinhu zvaive zvakanaka.

Mumwe wevanhu ava ndaVaKenneth Roan vanova mukaradhi vanogara mumusha weveruzhinji wemucheke muMasvingo vanoti kunyange hazvo vamwe verudzi rwavo vachigara mumisha inogara vane mari, vanongotamburawo sevatema.

Vanoti vane hama dzavo dzinogara dzakawanda pamba imwe chete uye vanoti manyepo ekuti vatema chete ndivo vari kutambura munyika.

Vanoti vari kupona nehwakumukwaku sezvo mari yavo yemudyandigere isi kuuya zvakanaka.

VaRoan vanoti zvakakosha kuti masangano anopa rubatsiro rwechikafu nembatya asasiye varungu nemamwe marudzi sezvo varikutamburawo sevatema.

Mumwe muchena, VaKevin Oliver wekuChitungwiza vakatombobuda mumapepanhau vachiti vanoita basa rehuhwindi kuti vawane chouviri.

Mumwe murungu asina kuda kudomwa nezita uyo anorarama nekutengesa mabhanzi mumugwagwa kuMasvingo audza Studio 7 kuti hapana chinoshamisa pane zvaari kuita sezvo ari kuita zviri kuitwa neveruzhinji munyika.

Anoti haanga regi mhuri yake ichifa nenzara nekunyara kutengesa mumungwagwa nekuti murungu.

Asi mumwewo murungu anogara kwaRunde VaJohn Kirsten vativ akazvipira kubatsira, varungu kana vatema vanotambura munyika.

Shamwari yaVaKirsten, Jan anotiwo kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika vari kufara kuhurumende iri kuita chirongwa chekusimudzira hupfumi cheZIMASSET.

Ati anovimba kuti chirongwa ichi chichasimudzira hupfumi nekuwanisa vanhu mabasa kuti vanhu vemarudzi ese vagare zvakanaka munyika. Varungu vazhinji vakatorerwa mapurazi nehurumende vave kugara mumadhoroba umo vari kutambura nenhamo.

Uye kazhinji kazhinji varungu nemamwe marudzi asiri vatema havawani rubatsiro kubva kuhurumende nemasangano anopa rubatsiro sezvo vachitorwa sevanhu vakapfuma.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG