Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze Vobatsira Vari Kumusha Munguva Ino yeZororo


VaDenis Juru, mutungamiri wesangano reInternational Cross Border Traders Association
VaDenis Juru, mutungamiri wesangano reInternational Cross Border Traders Association

Vazhinji vane hama neshamwari dziri kunze kwenyika vanonzi vatove kutarisira kuwana rubatsiro kubva kuvanhu ava, izvo zvawedzera huwandu hwemari uhwu.

Panguva ino apo nyika yatarisana nezororo reKisimusi pamwe nemwaka wekurima, zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinonzi zvawedzera huwandu hwemari dziri kutumirwa kumusha munguva iyi.

Izvi zvinonzi zvakawedzerwa nenyaya yemari itsva yakaparurwa munyika yema bond note, iyo isina kubatsira zvakare mukuderedza dambudziko remari munyika.

Vazhinji vane hama neshamwari dziri kunze kwenyika vanonzi vatove kutarisira kuwana rubatsiro kubva kuvanhu ava, izvo zvawedzera huwandu hwemari uhwu.

Mutungamiri wesangano reInternational Cross Border Traders Association, VaDennis Juru, avo vashanyira muganhu weZimbabwe neSouth Africa vachida kuona mamiriro akaita zvinhu, vanoti gore rino vanhu vakawanda vari kutumira zvinhu pamwe nemari, uye kuenda kumusha kudarika mamwe makore adarika.

VaJuru vanoti havana kuona paine dambudziko kunze kwekuti vanhu vanga vachingobhadhara mitero yezvinhu zvavanga vachipinza munyika.

Asi vanoti zvinhu zvakaita sezvekuvakisa nemibhedha hazvisi kubvumidzwa kupinda munyika pasi pemutemo weStatutory Instrument 64 uyo unorambidza kupinzwa kwezvimwe zvigadzirwa kubva kunze.

Vazhinji vevari munyika dzakaita seSouth Africa, Botswana neMozambique ndivo vanonzi vari kutumirawo zvinhu zvakaita sezvekudya zvakawanda vachitakudza vedzimotokari dzinotakura zvinhu dzinopinda nemunyika.

Vachipa mashoko avo emamiriro akaita zvinhu munyika kana kuti State of The Nation muparamende neChipiri, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakapembedza zvikuru mutemo uyu, vachiti wabatsira kumutsiridza maindasitiri ayo akagwadama.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG