Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuBubi Votambira neMufaro Zvirongwa zveZvimbudzi neMatsime


Vagari vemudunhu reBubi vakawanda vanonzi vakatambira nemufaro chirongwa chekuvaka zvimbuzi
Vagari vemudunhu reBubi vakawanda vanonzi vakatambira nemufaro chirongwa chekuvaka zvimbuzi

Chirongwa cherimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega chekukurudzira vanhu kuti vasaitire tsvina pose pose asi kuti vavake zvimbuzi pamisha yavo, uye kuchera migodhi yekuti vagari vawane mvura yekunwa yakachena chiri kubatsira kusimudzira hutsanana pamwe nekugara zvakanaka kwevagari vemumindamirefu iri muBubi District mudunhu reMatabeleland North.

Chinhu chinoonekwa sechinonyadzisa zvikuru uye chisingawanzoitwa paruzhinji kuti vanhu vataure nezvenyaya yepavanoitira tsvina.

Asi nekuda kuti vanhu vanzwisise kuipa kwakaita kuitira tsvina pose pose, vesangano reHelpAge Zimbabwe vakatombosendeka nyadzi idzi parutivi kuti vanyatsodzidzisa vanhu vakagariswa patsva muBubi District nezvenyaya iyi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reHelpAge Zimbabwe vanoti sangano ravo rakatanga kushanda muBubi mugore ra2013 richiita zvirongwa zvekukurudzira hutsanana pamwe nekubatsira kuti vagari vawane mvura yekunwa yakachena.

“Vagari vemuBubi vakaunganidzwa ndokubva vadzidziswa pamusoro pekukosha kwakaita kuti vashandise zvimbuzi; kana vadzidziswa kudaro zvinobatsira kuchinja mafungiro avo kuti mumwe nemumwe wavo anzwe chinomutuma kuti azvivakire chimbuzi pamba pake.

“Programme iyi yange isingauyi nemari asi kana munhu adzidziswa kushata kwakaita kuitira tsvina pose pose anobva anzwa kuda kugadzirisa nyaya iyi. vamwe vati kurei vaya nevamwe vanotambudzika ndivo vataibatsira nekuvapa cement vobatsirwa nevanhu vemunharaunda kuti vavake zvimbuzi pamisha yavo.

"Muchirongwa chechirongwa chechipiri cheHygiene Promotion tange tichivaka zvimbuzi muzvikoro uye takavaka zvimbuzi zvakati wandei pasi pechirongwa ichi.”

Kusvika pari zvino veHelpAge Zimbabwe vanoti vakwanisa kubatsira vanhu vakwegura nevanotambura kuvaka zvimbuzi zviuru zviviri pamisha yavo uyewo kudzidzisa vanhu vanosvika zviuru zvinomwe nezvekukosha kwekuve nezvimbuzi pamisha.

Vakakwanisawo kuvaka zvimbuzi zvinosvika makumi matanhatu muzvikoro zvakasiyana-siyana muBubi.

Amai Lucy Nyathi vemuWard 23 ndemumwe wevanhu vakakwanisa kuvaka chimbuzi pamusha pavo mushure mekurudziro yeveHelpAge. Amai Nyathi vakaudza Studio 7 kuti kuve nezvimbuzi kwakakosha zvikuru sezvo kuchidzivirira kuti vanhu vasabatwa nezvirwere zvemanyoka zvinokonzerwa nenyaya yekusave nehutsanana.

Bubi District ine maWard makumi maviri nematatu. MaWard gumi nemana ndiwo ane mindamirefu yakagariswa vanhu patsva uye nzvimbo yaimbove mapurazi evaChena .

VaTapiwa Zivovoyi vanove District Adminstrator weBubi vanoti rimwe rematambudziko makuru emunzvimbo iyi kushaya mvura vachitiwo mvura yepasi inonetsawo kuwana sezvo munzvimbo umu musinganaye mvura yakawanda.

“Tine vanhu vanofamba makilometre manomwe kana masere kuti vawane mvura.

“Kunyange zvedu takawana zvibhorani makumi matatu pasi pechirongwa cheRural WASH programme, hazvikwani…tichiri kuda zvimwe zvakawanda.

“Rimwe dambudziko ratinaro nderekuti nzvimbo yacho yatiri kuti ubate mvura kana wachera chibhorani unenge wadzika nemugodhi kusvika kana mametre zana, sezvakafanana nemuWard 10, Ward 22 neWard 23 muno matiri. Ndiro dambudziko ratinaro guru rekushaikwa kwemvura.” Amai Nyathi vanodaro.

VaFaifi vanotsigirawo dambudziko rekushaikwa kwemvura mumindamirefu yemuBubi vachiti ndicho chimwe chechikonzero chakaita kuti sangano reHelpAge Zimbabwe riwone zvakakosha kushanda munzvimbo iyi.

Pasi pechirongwa chekubatsira vanhu kuti vawane mvura yakachena sangano iri rakagadzirisa zvibhorani zana nemakumi mashanu uyewo rikacheresa zvibhorani makumi matatu.

Munguva pfupi yapfuura sangano iri rakapedza kuisa pombi netangi remvura izvo zvichaita kuti vanhu vemuWard 23 vawane mvura. Chirongwa ichi chakaitwa nemari inosvika zviuru gumi nezvitanhatu zvemadhora

Ambuya Kattie Shoko ndemumwe wevanhu vari mumisha makumi mashanu nemashanu iri muWard 23 vachakwanisa kuwana mvura kubva panzvimbo iyi.

Ambuya Shoko, avo vakatanga kugara muBubi mugore ra2007, vanonyatsoziva nezvedambudziko rekushaikwa kwemvura munzvimbo iyi uye vanoti kuwana mvura pedyo kuchavabatsira zvikuru.

VaBhekizulu Sibanda ndivo sachigaro wekomiti inoona nezvekushanda zvakanaka kwepombi netangi zvakaiswa muward mavo.

VaSibanda vakaudza Studio 7 kuti vagari vakaona zvakakosha kuti vakwanise kugadzira pombi kana zvimwe zvinenge zvafa vasingatarisire kuramba vachibatsirwa nevesangano reHelpAge Zimbabwe.

Komiti yaVaSibanda iyi inoona kuti vanhu vaita mudeme mudeme vachibvisa dhora pamhuri yega yega uye mari iyi inochengetwa yozobatsira kana paine chinenge chichida kugadziriswa.

“VeHelpAge vakatidzidzisa kuti tochengetedza sei patakaisirwa mvura yedu pamwe nemidziyo yacho.

“Vakati zvakakosha kuti kunyange ivo vasisipo isusu vagari tikwanise kuramba tichiwana mvura yakachena pasazove nedambudziko rekuti togona kushya mvura nekuda kwekuti pompi yafa.

“Saka takaita komiti ine bumbiro remitemo uye takabvumirana kuti mhuri imwe neimwe ichabvisa dhora pamwedzi wega wega kuitira kuti tikwanise kubhara zvose zvingave zvinodiwa, angave magetsi kana kutenga zvimwe zvinhu zvinodiwa kana pombi ichinge yafa; takaita izvi kuti tisazove nedambudziko rekugara nguva yareba tisina mvura.” VaSibanda vanodaro.

Vanhu vakawanda munyika vakagariswa patsva vakatarisana nematambudziko ekuwana zvinhu zvakakosha semvura yekumwa yakachena, zvipatara pamwe nezvikoro.

VaSibanda nevamwe vagari vemuWard 23 vanoti chirongwa chekudzidziswa nezvehutsanana pamwe nekubatsirwa kuwana mvura yakachena kuri kubatsira kusimudzira hupenyu hwevanhu vemuBubi.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG